Uncategorized

Onzi kubara vana masope huroyi

16 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Onzi kubara vana masope huroyi VaSteven Nyamapfeka nemudzimai wavo Sene Gwebu vaine vana vavo.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI inogara kuHatcliffe Extension, muHarare – iyo ine vana vana masope – inoti yave kusemwa nehama pamwe nekuitwa varoyi nekuda kwevana ava izvo zvavamanikidza kupata musha wavo uri kuHurungwe.

VaSteven Nyamapfeka (62) nemudzimai wavo Sene Gwebu (40), vane vana vana masope pakati pevanomwe.

VaNyamapfeka vanoti dambudziko guru ravatarisana naro kupumwa huroyi nehama izvo zvaita kuti vatize kumusha kwavo kwaMudzimu, kuHurungwe, vachizopotera muHarare.

“Mwana chipo chinobva kuna Mwari uye vana vangu ndinovada vose, handinei nezvinotaurwa nevanhu. Hama dzangu kunyanya dzave kunditi ndakaromba kubereka vana vakadai. Vanoti vamwe vanongoita vana ava kamwe chete kwete kakawanda kudai,” vanodaro VaNyamapfeka.

Murume uyu anoti kudzinza kwake hakuna munhu akambobereka mwana musope, zvimwe chetewo nekumudzimai wake.

“Vamwe vanhu vanosema vana vangu, kana kudya navo mundiro mumwe chete havadi. Izvozvi ndava kuroja, asi pamba pangu hapana anosununguka kuuyapo.

“Dai Mwari vandibatsira ndawanawo sitendi yekuvaka yangu imba nemari yekuti vana vangu vaende kuzvikoro zvakanaka sezvo iye zvino ndiri kushaya mari nekuti handishande,” vanodaro.

Mukati mevana masope ava, vamwe vacho mapatya – vakomana vane makore 9 okuberekwa – koita mumwe mukomana wemakore matanhatu nemusikana ane gore nemwedzi mipfumbamwe.

“Ndakazoroorana nemudzimai wangu uyu mushure mekurambana nemukadzi wekutanga.

“Vana vangu vanoda kugara vachionekwa nanachiremba uyewo vanoda kudya kwakanaka, mafuta ekuzora nesipo dzinopindirana neganda ravo. Vanodawo magirazi nenguwani zvekupfeka,” vanodaro VaNyamapfeka.

Vanoti vana vavo vakambenge varega chikoro asi iye zvino vave kuenda sezvo kuine vamwe vanhu vari kuvabatsira.

“Ini ndine chitambi cheClass 2 chekutyaira motokari uye ndaimboshanda asi vanhu vakangoziva kuti ndine vana masope, ndinobva ndaburitswa basa.”

Vanoti vana vavo vanofamba makiromita matatu kuenda kuchikoro izvo zvinoita kuti vagume vasvuuka tsoka sezvo vasina shangu.

Mukuru wesangano reZimbabwe Albino Association, Mai Mercy Maunganidze Chimanga, vanoti husope haunei nemabasa ekuroya sezvinofungwa nevamwe vanhu.

“Kune vanhu vane mafungiro akasiyana kana vachitarisa masope, hapana nyaya dzekuroya dzinobatanidzwa nevanhu ava.

“Kune dzimwe nyika masope anopondwa vachinzi vanoita kuti mabhizinesi evamwe vanhu abudirire nezvimwe zvakasiyana zvinonzi zvinobatanidzwa nemishonga yechivanhu inove tsika yakaipa zvikuru,” vanodaro.

 

Kune vanoda kubatsira mhuri iyi vanoridza nhare dzinoti 0774 578 151.

Share This:

Sponsored Links