Opa chenjedzo nenziyo

18 Feb, 2021 - 16:02 0 Views
Opa chenjedzo nenziyo Mike 'Micho Bancho' Saujeni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUIMBI wechidiki ari kusimukira, Mike “Micho Bancho” Saujeni (20) – uyo anorarama nehurema – akabura kambo kanopa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pematambudziko ari kusangana nevanhu vakaremara panguva ino yechirwere cheCovid-19.

Kambo aka kanonzi “Dai Mwari Maita” ako kanokurudzirwa kuti vanhu vanorarama nehurema vapindewo muzvirongwa zvekurwisa chirwere ichi.

Saujeni, uyo anogara kuChitungwiza, anoti akabura kambo aka – ako kaita mukurumbira pamadandemutande – nedonzvo rekuburitsa pachena zvimwe zvezvinhu zviri kukanganisa raramo yevana vakaremara panguva ino yechirwere cheCovid-19.

“Sevana vakaremara, tinoda rutsigiro kuti tirarame upenyu hunotarisirwa sevamwe. Kuti vabereki vedu vagare nesu mudzimba, vanoda chikafu nekutsigirwa munyaya dzeutano. Nguva zhinji tinofanirwa kuenda kunosimbiswa miviri yedu (physiotherapy) nekudaro kufamba nzendo dzacho kunonetsa nekuda kwemapurisa anenge ari mumigwagwa.

“Tinopedzisira tave kugara nguva yakareba tiri mumabhazi umo musina pekuti tizvibatsire, pakati pezvimwe. Tinopedzisira tave kuzvikanganisa izvo zvinokonzera kuti tizosarurwe zvakare.” anodaro.

Dai Mwari Maita kambo kanobatabata mwoyo yevanhu.

“Vanhu vakawanda vari kuratidza kufarira nziyo dzangu kusanganisira kandichangobva kubura kari pamusoro peCovid-19 kanonzi Dai Mwari Maita. Ndakaimba nziyo mbiri zvakare dziri pamusoro pekusarurwa kunoitwa vanhu vakaremara dzinoti Mutakura naMainini. Ndiri kutora mukana wechirongwa chekurwisa kupararira kweCovid-19 (lockdown) kutsikisa dzimwe nziyo dzangu ndiri kumba,” anodaro.

Saujeni – uyo anoshandisa wiricheya pakufamba – anoti akambopinda muchikwata chenyika chebasketball uye anombobatana nevamwe vaimbi vemusambo weZim Dancehall.

Anoti anyora nziyo dzinodarika 200 idzo dzisati dzatsikiswa nekuda kwedambudziko rekushaya mari.

“Ndinotenda kambani yeImpala Car Rental, Sister Enisia Mashusha vari kuUK naTheresa Makwara sachigaro wesangano reZimbabwe Parents of Handicapped Children nekunditsigira. Vari kutsigira zvakare vemhuri yangu nechikafu, mamasiki, sanitizer nezvinyorwa zviri pamusoro peCovid-19,” anodaro.

Saujeni anoti kuimba imwe yenzira dzinogona kushandiswa mukusvitsa mashoko echenjedzo pamusoro peCovid-19 kunharaunda dzakasiyana nekudaro Hurumende nevamwe vatsigiri vanofanirwa kutsigira vaimbi.

“Izvozvi takanzwa kuti mushonga wekudzivirira Covid-19 (vaccines) wakasvika munyika svondo rino uye pane mashoko asiri echokwadi akawanda ari kutenderera pamadandemutande. Kana vaimbi vakanzi vabatsire, vanoyamura mukupedza mashoko emanyepo ayo anogona kukanganisa budiriro yechirongwa chakanaka chekubaiwa kwevanhu majekiseni munyika,” anodaro Saujeni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>