Oparidza rudo nekuimba

24 May, 2023 - 19:05 0 Views
Oparidza rudo nekuimba Knowledge Marime

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI weSungura – Knowledge Marime – ari kukurudzira veruzhinji kuti vakoshese tsika nemagariro evanhu vatema nekutungamidza rudo pazvinhu zvose zvavanoita.

Marime, uyo anotungamira chikwata cheZvemberi Express, akabura dambarefu rake rekutanga rinonzi Zviuya Zviri Mberi iro anoti rizere nenziyo dzinotaura pamusoro pekukosha kwetsika nemagariro nerudo.

Anoti semunhu akarerwa mumhuri izere nerudo uye ichikoshesa tsika nemagariro akanaka, zvakamutuma kupinda mune zvemimhanzi ndokubura dambarefu rake iri.

“Ini ndiri munhu akarerwa chaizvo, akabva kuvanhu, saka ndinoziva zvakakoshera rudo nekugarisana zvakanaka nevamwe munharaunda nekudaro ndinokoshesa zvikuru tsika nemagariro edu.

“Izvi ndizvo zvimwe zvakandituma kupinda mune zvemimhanzi nekuti ndinoda chaizvo kuparidza shoko rerudo uye kudzidzisa veruzhinji kuti vakoshese tsika nemagariro akanaka,” anodaro.

Marime akapinda mune zvemhanzi mugore ra1993 aine makore gumi nemaviri ekuberekwa apo anoti panguva iyi amai vake vakamukurudzira kuti amboita zvechikoro.

Muna2000, akatanga kushanda nevaimbi vakaita saTafadzwa Mutingwende naJoseph Pingama avo vaiimba nechikwata cheMetro Stars.

Knowledge Marime

Makore akatevera, akazoshanda nezvikwata zvakasiyana apo aidzidza kusvika azotanga kuzvimirira izvo zvakamuona achiumba chikwata chake cheZvemberi Express ndokuzobura dambarefu rekutanga gore rino.

Marime anoti kushanda kwaakaita nevaimbi vakasiyana kwakamubatsira kusimudzira chipo chake.

“Ini ndiri munhu akasununguka kushanda naye uye ndinoda chaizvo kushanda nevaimbi vose.

Handisarudze wekushanda naye nekuti muimbi wose akandikoshera saka ndakasununguka kushanda nevanoda,” anodaro Marime.

Nziyo dzekutarisira padambarefu rake rekutanga iri dzinoti Hupenyu Hwemari, Zviuya, Mativenga, Vechidiki, Zvedzinza uye Mainini Jessy.

Share This:

Sponsored Links