Uncategorized

Opihwa mendenenzi nemukadzi wemunhu

19 Jul, 2019 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ashley Muchamiri
MURUME wekudhonzera aimbove mudzimai wake kudare achida kuti amubhadhare mari yemendenzi yekuriritira vana vavo vatatu akashaya zvekuita nemufaro mushure mekunge chikumbiro chake chatambirwa.

Job Kaimbanemoyo akaendesa Patience Chaora kuHarare Civil Court achiti anoda kuti abhadhare mari yekuchengeta vana vavo.

“Ndinodawo kuti mudzimai uyu andipe mari inoita $120 yekuchengeta vana vedu vatatu vandiri kugara navo kuti ndibatsirikane,” anodaro.

Kaimbanemoyo anoti iye anoshanda uye aimbotambira $350 asi magetsi paakatanga kunetsa, muhoro wake wakabva wadzikira sezvo achishandisa magetsi nguva dzose kubasa kwake, saka anodawo kuti Chaora amubatsirewo pakuriritira vana.

“Kushanda ndinoshanda asi muhoro wangu wakadzikira nekunetsa kwave kuita magetsi. Ndosaka ndiri kukumbirawo kuti mudzimai uyu andibatsire pakuriritira vana ava sezvo vari vedu tese.”

Chaora anoti hapana chikonzero chekuti Kaimbanemoyo apihwe mendenenzi sezvo akamutorera vana ava.

“Hapana chikonzero chekuti murume uyu apihwe mendenenzi nekuti akaita zvekunditorera vana ava uye vana vari kufona vachiti vari kudya kamwe pazuva,” anodaro.

Chaora anoti haashande uye akatoroorwa nemumwe murume.

“Ini handishande, ndinotowanawo mari pandinopihwa nemurume akandiroora, ndipo pandinotumira vana mari yemabhuku nechikafu chavanotakura kuchikoro,” anodaro.

Kaimbanemoyo anobva amugamha achiti: “Ari kunyepera dare kuti haashande, anoshanda samahobho paimwe kambani uye mazuva aakawana basa ndini ndakamupa mari yebhazi neyechikafu.”

Mutongi Sheila Nanzombe akati Chaora abhadhare $70 pamwedzi yekubatsira kuchengeta vana vavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>