Opura mari negarlic

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Opura mari negarlic VaThomas Gurenje vaiisa feteraiza muchirimwa chavo chegarlic icho vanoti vanotarisira kukohwa mumwedzi waChikumi.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURIMI akagariswa patsva kunzvimbo yeCashel Valley kwaMutambara, kuChimanimani opunduka nekurima garlic achitengesa.

VaThomas Gurenje (66) vanobva mumusha waSabhuku Gurenje, avo vari muminda yekudiridzira yeCashel Valley, vanoti vakatanga kurima garlic makore matatu akadarika izvo zvavanoti zvavasimudzira zvikuru.

“Ndinorima zvirimwa zvose zvinosanganisira chibage, matomatisi, derere, muriwo nezvimwe izvo takagara tichirima. Makore mashoma akadarika, ndakazopinda mukurima garlic iyo iri kundipa mari yakawanda zvikuru,” vanodaro.

Murimi uyu akarima yeka imwe chete yegarlic uye anoti paanokohwa anowana mari yakawanda kudarika kurima zvimwe zvirimwa pamunda mumwe chete uyu.

VaGurenje vanoti garlic hainetse kurima sezvo inongoda kudiridzwa nemvura inokwanirana nguva dzose uyewo ichiiswa mishonga inouraya makonye netumbuyu pamwe nemanyowa nefeteraiza yepasi chete.

“Munda wandinodyara garlic ndinongobvisa zvimwe zvirimwa ndourima kwatinoti kuye kupindura, ndodyara mbeu yangu yegarlic ndatanga ndamwaya manyowa kana feteraiza. Ndinodiridzira kusvikira yamera ndoramba ndichiongorora makuriro ayo ndichitarisawo tumbuyu nekusakurira kusvikira yabumba. Chirimwa ichi chinotengeswa zvose chimbambaira chacho chepasi nemashizha acho. Kg imwe chete ndinoitengesa ne$10 apo panguva imwe chete ndinogona kuenda kunotengesa makgs 200. Hakuna chirimwa chinobhadhara segarlic,” vanodaro.

VaGurenje vanoti garlic inofarirwa muzvitoro zvikuru zvemuguta reHarare uyewo nekwaMutare, Nyanga, Marondera, Chipinge neBirchenough.

“Kazhinji ndinoenda kunotengesa ndoga kuHarare uko kune makasitoma angu kwandinosvikowana mari yakandimirira apo ndinotanga ndavafonera. Pamwe ndinoitengesa iri nyoro kana kuti yasvava, asi vanotenga vazhinji vanoda kuitenga iri nyoro vozoomesa voga vachizoigaya kuita hupfu yogadziriswa hudobi-dobi hunoiswa mukudya kakawanda kacho mumuriwo kana kuisa muzvinwiwa,” vanodaro.

VaGurenje vanoti garlic inotora mwedzi mitatu kuti ikohwewe.

“Vazukuru nevana ndapedza kuendesa kuchikoro nekuda kwemari yandinowana kubva muchirimwa ichi nezvimwe zvirimwa. Ndinoti kune vamwe varimi ngavapindewo mukurima zvimwe zvirimwa kwete kungomirira kuchibage chete,” vanodaro.

VaGurenje vanoti mbeu yegarlic vanoiwana kuzvitoro zvinotengesa mbeu kana kumusika weMbare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>