Oputisa mukadzi nevana mbanje

17 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Oputisa mukadzi nevana mbanje

Kwayedza

Nyasha Bvudzijena

MURUME anogara kuEast View, muHarare, akashaya pekupinda nenyadzi mudare apo akafumurwa nemudzimai wake kuti ane katsika kekumumanikadza vose nevana vavo kuti vagare mumba apo iye anenge achiputa mbanje akavhara magonhi nemahwindo.

Izvi zvakabuda muHarare Civil Court apo Dereck Chivimbiso akamhan’arira Loreen Machizi achida gwaro redziviriro.

Chivimbiso anoti ari kuoneswa pfumvu nekushungurudwa naMachizi.

Mutongi Tilda Mazhande anoti vaviri ava vadzoke kudare zvakare apo achapa mutongo wake.

“Mudzimai uyu anondirova nekundituka zvekuti handina mufaro mumba mangu saka handichamude uye handidi kuti adzoke kuzogara neni,” anodaro Chivimbiso.

Anoti mukadzi wake akabva pamba mwedzi wapfuura mushure mekunge amupa magwaro ekuti ari kudiwa kudare achienda kumusha kwavo uko kwaava kugara.

“Anovenga amai vangu, haadi kana kuvaona. Kubvira paakaenda kuvabereki vake tanetsana, haana kumbobvira aisa gumbo rake pamusha pedu kana kuendesa mwana kuti anoonawo hama dzangu asi tinobva kumwecheteko,” anodaro.

Machizi anopikisana nechikumbiro chemurume wake achiti ari kutaura manyepo mudare.

“Baba ava ndivo vanotondishungurudza pamwechete nemwana nekuti kana zvakakwidza tinovharirwa mumba obva atanga kuputa mbanje yake tirimo, mahwindo akavharwa izvo zvinoguma zvatikanganisa. Zvokudya anotenga chete kana aripo uye kana achinzwa nzara. Pasina izvozvo tinoswera nayo,” anodaro.

Anoti ava kutyirawo utano hwake sezvo murume wake asingabve mumadhirezi zvakare pose paanomurova, anomurambidza kunorapwa achitya kusungwa.

“Ndava kutya kuti pamwe ndave neutachiona nekuti ndakasanganidzana nemaARV mutakishopu yedu ndikamubvunza akati akauya nawo kuzoatengesa uye ane tsika yekufonerana neshamwarisikana dzake ndiripo,” anodaro Machizi.

Share This:

Sponsored Links