Oramba chikwereti chezvidhina

21 Aug, 2014 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chipato
VAVAKIDZANI vakazvuvirana kudare nenyaya yechikwereti chezvidhinha apo mumwe wavo aichiramba. Loyde Tsuro akamhan’arira Tariro Zhira kuHarare Civil Court achida $190 yake yakasara pamari yezvidhinha zvaakamutengesera.

“Mai ava ndakavapa zvidhinha zvangu zvinokosha $330 vakandipa $140 chete.

“Zvino vave kuramba kundipa mari yangu yakasara. Vakavimbisa kundipa mari yangu kupera kwemwedzi waMbudzi gore rakapera asi kusvika nhasi havasati vandipa. Vakatopedza kuvaka imba yavo nezvidhinha zvangu,” akadaro Tsuro.

Akaenderera mberi achiti: “Ndinorarama nekutengesa zvidhinha, zvino handizive kuti vanoda kuti ndipone nei kana vachiramba kundipa mari yangu. Ndakavapa nechikwereti semuvakidzani wangu zvakare vakauya nasekuru vavo avo vakasimbisisa kuti mari yangu ndaizoipihwa kupera kwemwedzi waMbudzi.”

Zhira akaramba zvese zvakataurwa naTsuro achiti aimunyepera, akanga asina kutora zvidhinha, haamuzive uye akatoshamisika achiona masamanisi ekushevedzwa kudare.

“Murume uyu anondinyepera, handimuzive, ndatotanga kumuona nhasi muno mudare. Handina mari yake uye nyaya yaanotaura manyepo.

“Ndakatenga zvidhinha zvangu kuBetter Bricks kwete kwaari. Handitozive kuti anotengesa zvidhinha uye handina mari yake. Zvake zvekuti ndakaenda kumba kwake nehama yangu ndichida zvidhina ndezvemanyepo uye pamba pake handipazive” akadaro Zhira.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare kana Tsuro auya nevafakazi vanopupura kuti akapa Zhira zvidhinha.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey