Uncategorized

Orambira mudzimai masokisi

03 Dec, 2021 - 17:12 0 Views
Orambira mudzimai masokisi

Kwayedza

Nomthandazo Masuku

MURUME anogara kuOld Pumula, kuBulawayo akasiya mudzimai wake nemhosva yekuti ainge asina kumutorera masokisi mubhedhuru ayo aida kupfeka achida kuenda kubasa mangwanani.

Hloniphani Dube (32) anonzi akasiya mudzimai wake, Silenkosi Moyo (27), mushure mekunetsana nenyaya yemasokisi nemusi wa29 Gumiguru.

Zvinonzi pazuva iri, Dube akanga ari kugadzirira kuenda kubasa munguva dzemangwanani uye akakumbira mudzimai wake, uyo aigadzirira kuendawo kubasa, kuti amutorere masokisi asi akati ngaatore oga muwondiropu.

Dube akatanga kupopotera mudzimai wake achimuti haafanire kunge achimuudza kwekunotora masokisi asi kuti aifanira kumatora iye pachake achimutambidza ndokubva aenda kubasa.

Paakabva kubasa, Dube akatanga zvakare kupopotera mudzimai wake nekuda kwenyaya yemasokisi iyi achibva apedzisira nekumurova kusvika azorandutsirwa naElizabeth Mathe anova mumwe wevavakidzani vavo.

“Haandiremekedzi, anotaurisa uye anodzidzisa vana kuti vasanditerera saka ndinotofanira kumurova kuti anditerere sababa vemba,” anodaro said Dube.

Akabva apa Moyo US$20 yegupuro kuti adzokere kumusha kwake.

“Handigone kugara naye nekuti hatisi kukwanisa kugadzirisa patisiri kunzwanana, zviri nani adzokere kumusha kwake,” anodaro.

Zvisinei, kwapera chinguva Dube akazoti ava kuda mari yake iyo ainge apa mudzimai wake asi Moyo akarambira nayo zvikaita kuti atange kumurova zvekare.

“Handikwanisi kuenda kumba husiku, ndichaenda mangwana saka ndinoda kushandisa mari iyi kubhadhara pakufamba,” anodaro Moyo achichema.

Mushure mekurwadziwa nekurohwa, Moyo akazodzorera Dube mari iyi.

Zuva rechimangwana racho, Moyo paaida kurongedza nhumbi dzake kuti adzokere kumusha kwake, akashamisika kuona dzakanyikwa muchitini chainge chizere neweti.

Dube paakadzoka kubasa akamuwana ari pamba achibva amurova zvekare.

Muzuva rakatevera, Dube akaudza Mathe kuti akanga ava kuenda kunogara kumwe kwaakawana imba achisiya mudzimai wake nevana sezvo vasiri kuwirirana.

Murume uyu akabva atora midziyo mishoma ndokuenda achisiya mhuri yake.

Share This:

Sponsored Links