Orambira murume huchapa

01 Mar, 2023 - 20:03 0 Views
Orambira murume huchapa

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti haachada murume wake nekuti pose paanodhakwa, anoshatisa magumbeze nekudaro aneta nekuwacha matirauzi nenhumbi dzemukati dzaanenge dzazara tsvina.

Memory Gumbo akapotera kudare reHarare Civil Court achiti haasisina rugare nehuchapa hwemurume wake, Amos Tiriwacho, uye anomushungurudza.

“Amos Tiriwacho ane tsika yekuda kurara asina kugeza, akabva kubhawa haadi kugeza, anongopinda mumagumbeze netsvina yaaswera nayo ondimbunyikidza. Anoitira tsvina mumagumbezi zvinove zvava kundishaisa mufaro muimba yekurara,” anodaro.

Achipawo divi rake, Tiriwacho anoti mudzimai wake haazi kutaura chokwadi mudare uye akapedzisira kumurova makore gumi nemashanu adarika.

“Zvose zviri kutaurwa ndezvekunyepa, mudzimai wangu kwava nemakore maviri achiramba kusangana neni uye ndinozviwachira ndega mbatya dzangu. Hapana kana changu chaanoda kundiitira semurume wake.

“Mudzimai wangu munhu asingadi kutsiurwa saka zvinoita kuti tigare tichikakavadzana mumba,” anodaro.

Gumbo anotiwo zvimwe zvose anowacha asi zvemukati nematirauzi haabate nepamusaka petsvina.

Mutongi Tamara Chimbindi vakarasa chimbiro chegwaro rerunyararo chaGumbo nekuda kwekushaikwa kweumboo huzere hwekuti ari kushungurudzwa naTiriwacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>