Orambirwa kunochema aimbova murume wake

03 Jan, 2020 - 00:01 0 Views
Orambirwa kunochema aimbova murume wake

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MUDZIMAI wekuenda kurufu rweaimbova murume wake akazvisikira moto muziso sezvo murume waava naye pari zvino akagumbuka nazvo zvikuru nekudaro ari kumudzinga pamba achiti anofanirwa kututa twake twose odzokera kumusha kwake.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Jane Mavekwa akamhan’arira murume wake, Shepherd Gumbo, achida gwaro redziviriro.

Mavekwa anoti Gumbo ari kumushungurudza sezvo achiti akatsamwa anomudzinga pamba achikanda zvinhu panze.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mavekwa gwaro rinomudzivirira.

“Baba ava murume wangu asi vandishaisa mufaro. Vari kungoti vakatsamwa vanondidzinga mumba. Vanokanda hembe, magumbeze nendiro dzangu panze.

“Vari kuramba kubhadhara mari yemwana yekuchikoro vachiti vana vacho havasi vavo,” anodaro.

Gumbo anoti vane makore akawanda vari vose asi mukadzi wake akamukanganisira zvikuru.

“Mutongi, uyu mudzimai wangu wandakachata naye uye tave nemakore 34 tiri tose. Patakaroorana aiva nevana 3 kubva kune aimbova murume wake. Takazoita veduwo 5.

“Vana ava vakakura vose sezvo vana 3 vekutanga vaimbouya kumba kwangu nekuti vaigara nababa vavo. Vanguwo vana vaienda kumba ikoko uye tatove nevana vakura vakatoroora,” anodaro.

Gumbo anoti dambudziko ravo rakazotanga pakafa aimbova murume wemukadzi wake.

“Kusawirirana kwedu kwakatanga pakafa baba ava. Mwana mukuru akandifonera ndiri kubasa achindiudza zverufu. Pandakazodzokera kumba, amai havana kundiudza kunyangwe ndaizviziva kuti vainge vaudzwa.

“Saka ndakatsamwa kuti vainge vasina kundiudza zvenhamo asi isu tiri pamwechete, ndikavabvunza kuti sei vasina kundiudza vakati vainge vachazotaura,” anodaro.

Anoti vana vemurume uyu vakazouya kumba kwake akavabata maoko uye ndokuvaudza kuti vabatane semhuri imwechete vavige baba vavo.

“Ivo amai ndakavaudza kuti hamuende kunhamo asi ivo vakaenda ndisingade. Ndakaenda kwamambo vakati handizvo. Vakanzi vandikumbire ruregerero asi vakaramba.

“Zvose zvavataura ndakazviita nekuti ndine chigumbu navo,” anodaro Gumbo.

Anoti mumwe mwana wemudzimai wake waakaita nemurume akashaya uyu akazouya achida kuti abatsirwe kutora gwaro redeath certificate rababa vake.

“Nehasha, ndakavati ipfambi nekuti vane varume vaviri uye vachandivigawo. Ndakavati ngavaende havo vabve pamba pangu. Mandiro aari kuti ndakapwanya ndeangu. Ari kugara kumba kwemwana wangu,” anodaro.

Mavekwa anoti akaenda kurufu rweaimbova murume wake mushure mekunge Gumbo amutendera kuti aende.

“Zverufu ndivo vakatotanga kuzvinzwa ini ndakatozonzwa nemwana. Kunhamo takatoenda nemuzukuru wavo vakatobvuma. Ndakatovakumbira ruregerero ndikatopfugama asi vari kuti ndaisaratidza kuti ndiri kurevesa,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links