Oramwa mukadzi kuMupurisa

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Oramwa mukadzi kuMupurisa Midziyo yakanoramwiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekwaChinamhora, kuDomboshava uyo anoshandira kuSouth Africa semutyairi wemagonyeti nemusi weChipiri wadarika akaita zvinogara zvakadaro apo akanoramwira midziyo yemudzimai wake kumba kwechikomba chake.

Kenny Mulambilila (32) wemubhuku raGukwe 2 anoti akatora danho iri zvichitevera kuwana kwakaita mashoko anoratidza kuti mudzimai Winmore Makoni (27) ari kudanana nemumwe murume anova mupurisa pakamba iri kuBorrowdale.

Anoti anga ava nenguva refu achinzwa nyaya yekuti mudzimai wake ari kupengesana murudo nechikomba ichi kusvikira azobata mashoko ekudanana kwavo munhare yemukadzi uyu.

“Ndakaroorana nemudzimai wangu mugore ra2008 tikaita vana vaviri asi handaimbofunga kuti angandidaro.

Ndunomuchengeta kudarika madzimai akawanda emuno.

Zvinonzi vaviri ava vadanana kubvira mumwedzi waJune gore rino,” anodaro Mulambilila.

Anoti akabata mashoko ekudanana kwemudzimai wake nemupurisa uyu masvondo maviri adarika.

“Mudzimai wangu anoshanda kuBorrowdale uko vaviri ava vanowana mukana wekudanana sezvo vachishanda padyo nepadyo.

Pandakabvunza mudzimai wangu, akabvuma kuti anodanana nemupurisa uyu. Asi chikomba ndakachibvunza chikaramba nyaya iyi,” anodaro.

Mulambilila anoti neshungu, akazongotora mbatya dzose dzemudzimai wake nemimwe midziyo ndokuzviendesa kumba kwechikomba ichi, icho chinogara mumusha mumwechete naye.

Anoti akanosiira mbatya idzi kumudzimai wechikomba sezvo mupurisa uyu ainge asipo.

“Ndakazadza rori rangu nezvinhu zvake zvinosanganisira mibhedha miviri, masofa, divider, wodhiropu, kitchen unit, ndiro nemapoto nemimwe midziyo yekubikira, mbatya nezvimwe ndikazviendesa kumba kwechikomba chake,” anodaro.

Murume uyu anoti paakabva kuSouth Africa nemusi weChipiri svondo rapera, akasvikowana mudzimai wake atakura mimwe midziyo iyo asina kuziva kuti yakaendeswa kupi.

Mulambilila anoti vana vavo vose vakaendeswa kumusha kwemudzimai wake kwaMutoko.

Kwayedza yakasvika pamba pemupurisa anonzi chikomba chemukadzi uyu ndokuwana midziyo yakaramwiwa iyi yakaita hungwanda-ngwanda panze.

Mudzimai wemupurisa uyu, uyo anoramba nezita rake, anongoti: “Ichokwadi, amai ava vandinetsa nemurume wangu – vari kudanana.

“Ndakatombobvunza nezvazvo mushure mekuona zita ravo mufoni yemurume wangu.

Asi murume wangu anoramba kuti vanodanana. Zvino zvavasiya midziyo iyi kureva kuti mukadzi uyu ava kuuya kuzogara neni here semukadzi wechipiri pano?”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nemudzimai waMulambilila zvose nemupurisa ari kunzi anodanana nemukadzi wemuridzi uyu.

Asi Lloyd Nyakudya (34) — uyo anova sahwira waMulambilila — anoti ari kubatsira pakudzikamisa shamwari yake kuti asatore matanho asiriwo munyaya iyi.

Kuchitiwo Dell Manenji (30), munin’ina waMulambilila, anoti nyaya iyi yakabvira kare uye amaiguru vake vanoonekwa vaine mupurisa uyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>