Uncategorized

Orarama nekusona shangu

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Orarama nekusona shangu Mai Nyengeterai Mafunga vachisona bhutsu. — Mufananidzo naTariro Kamangira

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SHIRIKADZI yemumusha weGlen View 8, muHarare, iri kuraramisa mhuri nekusona shangu dzevakuru nevadiki rinova basa raita kuti vana vemudzimai uyu vaende kuzvikoro zvepamusoro.

Mai Nyengeterai Mafunga (42) – avo vanogara panhamba 6929/90 Crescent – vanoti kunze kwekusona bhutsu tsaru, vanogadzira itsva dzemhando dzakasiyana kubva mumatehwe nemumachira.

“Ndinogadzirira bhutsu pano pasi pemuti apo vanhu vanoenda nekubva nekunzvimbo yemabhizinesi yeTichagarika vanondiona, vave kundiziva nekuti basa rangu ndinorigona uyewo tinotaurirana,” vanodaro.

Mudzimai uyu anoti asvika makore gumi nemashanu achiita basa iri nekudaro ave neruzivo rwakadzama pakusona shangu.

“Ndakadzidza basa rekusona bhutsu tsaru nekugadzira itsva kubva kumishandirapamwe yandaimbova nhengo uko kwaiuya nyanzvi dzaitidzidzisa basa. Ndakasiyana nemurume wangu kare ndokusiirwa vana vaviri vasikana, saka basa irori ndiro riri kutiraramisa. Izvozvi mumwe ari kuita Mechanical Engineering kuHarare Polytechnic uye mumwe akanyora Fomu 4 gore rakapera akakunda, ave kutsvaga kosi yekuita,” vanodaro Mai Mafunga.

Vanoti kuburikidza nebhindauko iri, vari kukwanisa kurenda dzimba nhatu nekutengerawo vana kudya nezvimwe zvavanoda.

Zvisinei, Mai Mafunga vanoti dambudziko guru ravakatarisana naro kushaya mari yekutenga matehwe nemichina yekusonesa.

“Ndiri kutsvagawo rubatsiro rwemichina yekusonesa bhutsu inoshandisa mawoko kana magetsi. Ndinodawo matehwe nemachira ekusonesa bhutsu nekuti ndikadaro ndinoziva kuti basa rangu rave kufamba zvakanaka.” .

Mai Mafunga vanoti havanyare kuonekwa vakagara padivi pemumugwagwa vachiita basa rekusona bhutsu sezvo ndipo pavari kuwana raramo.

Vanoti pavakatangisa kuita bhindauko iri, vainetswa nevarume vaitsvaga rudo kwavari asi vakazogumisira vaona kuti vane chinangwa chekuita basa ravo chete vachiraramisa mhuri.

“Kune vanoda kundibatsira vanondiridzira nhare panhamba dzinoti 0733 857 216 asi kwete vanotsvaga rudo kwandiri nekuti ndiri kuda kushandira mhuri yangu bedzi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links