Uncategorized

Orarama ura huri panze

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Orarama ura huri panze

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekuBuhera ari kurarama ura hwake huri kunze kwedumbu uye achiita tsvina nekumuromo zvichitevera oparesheni yaanoti akaitwa namachiremba epachimwe chipatara chemuHarare.

Oparesheni iyi yakaitwa zvichitevera dambudziko raaive naro rekupisa kwemudumbu kwakanyanyisa — ndokunzi adzokere kumba ura hwake hwakati yacha panze pedumbu.

Approve Dowororwa (42) — uyo anogara mubhuku raMapako, kwaMurambinda — anoti kunze kwaizvozvo, kumba kwake hakuchagarika nekuda kwemasaramusi anoitikako, izvo zvakakonzera kuti apate musha achisiya vana vake vachigara naambuya, amai vemudzimai vake.

Murume uyu ari kurarama ura hwake huri kunze uye ava kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji kuti akwanise kurapwa.

Ura kana kuti matumbu inhengo yemuviri inowanikwa mudumbu inoita kunge chubhu, umo munofamba nekugaiwa chikafu.

Approve Dowororwa

Dowororwa anoti akapinda muchipatara cheHarare Central Hospital musi wa9 Nyamavhuvhu umo akavhiiwa, ndokugaramo kusvika musi wa15 Nyamavhuvhu apo akazonzi adzokere kumba ura hwake huri kunze kwedumbu.

Kwayedza yakazvionera matumbu emurume uyu ari kunze kwedumbu uye anoti anoita imwe tsvina nepane matumbu ari kunze kwedumbu apa kubva paakavhiiwa nemachiremba pachipatara chikuru ichi.

Anotizve mudumbu make munofamba-famba chinhu chinoita segonye kana kuti senyoka.

“Ndakatanga kurwadziwa nemudumbu zvakanyanya mugore ra2014 apo maipisa nekurira. Zvakaramba zvichidaro kusvikira mumwedzi waNyamavhuvhu gore rino apo ndakatanga kuita tsvina nekumuromo, tsvina chaiyo.

“Ndakazouya kuHarare ndichitsvaga kubatsirwa ndikaenda kuchipatara cheHarare (Central Hospital) uko chiremba akandiona akanditi ura hwangu hwakawora,” anodaro.

Kadhi rekuchipatara raApprove Dowororwa

Dowororwa anoti akazovhiiwa nemachiremba epachipatara ichi apo vakaburitsa ura hwake kunze — kusvikira nanhasi.

Murume uyu anoitazve tsvina nepamatumbu ari kunze kwedumbu aya uye tsvina iyi inoenda muchihomwe chaanogara nacho.

“Ndakagara muchipatara kwesvondo ndokuzonzi ndidzokere kumba ura hwangu huri pachena, ndichinzi ndizodzoka mumwedzi waGunyana apo painzi ndipo paizodzoserwa matumbu angu mukati.

“Pandakadzokera kuchipatara ndakanonzi kwainge kusina mishonga yekuti basa rekudzoserwa kwematumbu angu mudumbu riitwe. Saka nanhasi ndiri kungofamba ari panze uyewo ave kubuda mvura inenge hurwa izvo zvandinofungira kuti ari kungowora,” anodaro.

Memory Tambudzai Mufiri

Dowororwa anoti akamboedza kunobatsirwa kuchipatara cheKaranda Mission Hospital asi ari kushaya $1 000 iri kudiwa.

“Kuvhiiwa kwandakaitwa nemachiremba kuri kudiwa $850 chinova chikwereti uye kuti vandidzosere ura mudumbu kunodiwa zvakare $450. Kusanganisira nezvimwe, mari iri kudiwa inodarika $2 000,” anodaro.

Dowororwa — uyo anoti aneta nekurwadziwa — anoenderera mberi achiti, “Ndinovharika mweya zvekutadza kufema chinova chirwere chiri kutadza kubatwa nemachiremba. Zvakare, kuwora kwakaita ura hwangu ini ndiri mupenyu machiremba havana kuziva kuti zvinokonzerwa nei.”

Murume uyu ane vana 4 nemudzimai wake.

“Dambudziko remasaramusi pamusha pangu iri ratanga, ndakatiza musha tose nemudzimai wangu tikaenda kuSA (South Africa). Asi ndiri ikoko, ndakarohwa zvakaipisisa nematsotsi ndokutyorwa mbabvu ndikambogara pawiricheya. Takadzoka kuno kumusha uko tisina kukwanisa kugara pamba pedu kusvika izvozvi nekuda kwemasaramusi anoitikapo.”

Anoti pamusha pake anoona zvivanhu zvipfupi zvine ndebvu refu izvo anofungidzira kuti zvidhoma uye anonzwa mazwi evanhu vaasingaone.

Vabereki vemurume uyu — VaPomerai Dowororwa nemudzimai wavo Rodah Man’on’o Dowororwa — vose vakashaika uye vaiva nemabhizimisi kwaMurambinda.

“Kurwara kwangu kwakatanga pakuda kugovana nhaka yababa vedu iyo yaisanganisira zvitoro, imba nemakombi akabva mubhizimisi iri.

‘‘Asi nekunetsana nehama dzangu, ini handina chandakapihwa kusvika nanhasi zvisinei kuti ndini mudiki,” anodaro.

Dowororwa anoti vamwe vemhuri yake vakamutorera zvakare munda wemadiridziro uyo waairima kuMurambinda Irrigation Scheme.

Anoti vana vake vave kutadza kuenda kuchikoro nekuda kwedambudziko raakatarisana naro uye ari kurojerwa imba muHarare nevamwe vekuchechi yaanopinda.

Mishonga yekugeza matumbu akabuda kunze kwedumbu rake anoti haana sezvo vasina mari.

“Ndangomirira kufa nekuti hama dzangu hapana anondibatsira. Kune vane tsiyo nyoro vanogona kundibata panhamba dzinoti 0778 933 317,” anodaro.

Mudzimai wake, Memory Tambudzai Mufiri (28), anoti murume wake anorara achichema nekuda kwekurwadziwa uyewo iye anogara achimugeza tsvina inongobuda.

Share This:

Sponsored Links