Orasika njere aba tsvimbo yesvikiro

07 Nov, 2022 - 18:11 0 Views
Orasika njere aba tsvimbo yesvikiro Motokari yakasiiwa mugomo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME wekuenda kumakomo anoyera eDungwiza ayo anozivikanwa nekunzi “Makomo aChaminuka”, kwaSeke achida kunobatsirwa nemasvikiro ainge akaunganako, anonzi akazotiza achisiya motokari yake mushure mekuona masaramusi apo akaba tsvimbo dzemhondoro.

Kumakomo aya kunonzi ndiko kwaigara Sekuru Chaminuka avo vanove mhare yehondo yeChimurenga chekutanga chekurwira rusununguko rweZimbabwe.

Sekuru Titus Shumba Mazhanga (42) vekuChitungwiza, vanove imwe yehomwe dzemasvikiro anoshandira panzvimbo iyi, vanoti murume akazotiza motokari yake uyu aive auya kuzobatsirwa navo apo vakaenda naye kumutambo webira pamwe chete nevemhuri yake.

Homwe munhu anosvikirwa nemudzimu.

“Tine murume aiva makumbi wangu uyo akauya kumatare kuMakomo aChaminuka aiva nemotokari yake akatakura vamwe vanhu. Asvika mumakomo ano, akasiya mota iyi ndokuenda pabira paiva nevamwe.

“Murume uyu akazotsakatika murima ndokunoba tsvimbo dzemamwe masvikiro dzaiva dzasiiwa paruware panosvikira vaenzi ndokunodziviga achida kutora masimba kumasvikiro aya. Akadzoka pabira paiva nevamwe mushure mekunge aviga tsvimbo idzi,” vanodaro Sekuru Shumba.

Vanoti murume uyu anogara kuUnit K, muChitungwiza asi akazosimudzwa paruzhinji nerimwe svikiro akataurirwa kuti adzokere kwaaiva aviga tsvimbo dzemamwe masvikiro odzidzosera panzvimbo yaaiva adzitora.

“Murume uyu akakakavadzana nesvikiro iri kusvikira aramwa. Mangwanani ezuva rakatevera, akazotiza mumakomo aya achiti akanga ava kuona zvinhu zvaisaonekwa nevamwe.

“Takazonzwa kuti asvika kuUnit L kuChitungwiza, akazotanga kuita seava kurasika pfungwa apo anonzi akanoba motokari yeimwe kambani huru munyika muno,” vanodaro Sekuru Shumba.

Motokari yake yeNissan Sunny anonzi akaisiya makore maviri akadarika uye kusvikira nanhasi iriko kumakomo eDungwiza.

“Murume uyu aiva muyera Soko, kubva ipapo akazongotanga kurasika pfungwa kusvika izvozvi anotofamba mumigwagwa yemuChitungwiza.

“Motokari yake inongorimo muMakomo aChaminuka, yakatotanhaurwa mavhiri, injini nezvimwe nembavha. Hakuna hama yacho yakauya kuzotora motokari iyi,” vanodaro.

Sekuru Shumba vanoyambira veruzhinji kuti vasapikisane nemasvikiro izvo zvavanoti zvinovapinza mutsekwende.

Vanoti vane chishuwo chekusangana nehama dzemurume uyu, uyo wavanoti vanoda kubatsire kuti agadzikane pfungwa dzake.

“Anorapika murume uyu, zvinoda kupirwa chete kuvadzimu nemasvikiro, hama dzacho dzokumbira ruregerero kumasvikiro akabirwa tsvimbo, iye odyiswa mishonga zvotopera,” vanodaro Sekuru Shumba.

Share This:

Sponsored Links