Podolski ozvitemba

16 Dec, 2013 - 18:12 0 Views
Podolski ozvitemba

Kwayedza

MUTAMBI weArsenal, Lukas Podolski, ari kuzvitemba kuti chikwata chake chichabudirira kuhwina tikiti rekutambira mumutambo weChampions League asi akabvuma kuti mitambo yavo inotevera ichange yakaoma.

Mutambi uyu, uyo anove chizvarwa chekuGermany, akanwisa kaviri apo maGunners akakunda West Ham 3-1 musi weChipiri izvo zvakabatsira chikwata chake kuti chiende pamusoro peEverton muligi.

Chikwata chaArsene Wenger chakahwina tikiti rekutambira mufainari yemutambo weFA Cup wegore rino apo chakakunda Wigan svondo radarika, asi Podolski anoti chinofanirwa kumbomira kufunga nezvemutambo uyu parizvino, chimhanyisane nekurwira kupinda mutambo wemuEurope.

“FA Cup iriko pachapera mwaka wenhabvu wegore rino. Tichambozvikanganwa parizvino tomboita zvePremier League,” akadaro.

“Munhu wese anoda kutamba muChampions League nekuti nharaunda yacho, mitambo yacho inodakadza zvikuru uye yakakoshera chikwata chedu.

“Mutambi wese anoda kutamba muChampions League, asi tinofanirwa kuzviziva kuti tine mitambo yakaomarara zvikuru iri kutevera, tichatamba kuHull nekuNorwich. Hazvisi nyore asi tikakwanisa kuhwina mitambo yedu yese tinopinda machena,” akadaro.

Gobhora rekutanga remuchinda uyu rakauya apo akapirwa bhora naSanti Cazorla uye akarumbidza shamwari yake iyi nematambiro ayakaita mumutambo uyu.

“Munhu wese anozviziva kuti mutambi wemhando yepamusoro. Anotamba nhabvu yemandorokwati uye anokwanisa kutamba nevamwe zvakanakisa,” akadaro.

“Vashoma vanokwanisa kupira sezvaaita, agona kundipira paye uye zvange zvakakosha tisati tasvika pahalftime. Zvibodzwa zvitatu zvasara nesu kuEmirates parizvino tave kutarisa mutambo wedu unotevera” akadaro.

Cazorla, uyo akapihwa mubairo weman-of-the-match, anoti anofunga kuti zvakakosha zvikuru kuti chikwata chavo chikurumidze kuzorora apo chinotarisira kunosangana neHull City musi weSvondo.

“Chinhu change chakakosha kuhwina kwataita nhasi. Tinofanirwa kuhwina mitambo yedu yese inotevera, asi tinofanirwa kusimba kuitira musi weSvondo unotevera, zvakaoma kutamba nhabvu pamazuva matatu,” Cazorla akadaro.

“Chinhu change chakakosha kuhwina tobva tatanga kugadzirira mutambo weSvondo. — Sky Sports News

Share This:

Sponsored Links