Orikita musikana pamberi pevabereki

17 Sep, 2022 - 08:09 0 Views
Orikita musikana pamberi pevabereki Insp Ncube

Kwayedza

Danisa Masuka

MURUME ane makore 35 okuberekwa, uyo anoita basa rekutyaira matekisi kuBulawayo, anonzi akasvetuka jurahoro repamba pemusikana wake, ndokumuzvakatsa pamberi pevabereki vake mushure mekunge amuramba.
Tinashe Dimairo anonzi akarambwa nemusikana wake, Amelia Dube (32), sezvo aive nekatsika kekumorova pose pavanenge vatadza kuwirirana.

Nemusi weMuvhuro uno, Dimairo anonzi akashamisika kuona kuti musikana wake akange amutiza adzokera kumba kwevabereki vake.

Shamwari yake yepedyo, iyo yakakumbira kuti zita rake risabuditswe, inoti Dimairo akazotyaira motokari yake akananga kuCowdray Park kumba kwevabereki vemusikana wake.
“Akagogodza pagedhi asi Amelia akaramba kuvhura gedhi iri uye zvinotaridza kuti izvi zvakamushatirisa zvikaita kuti asvetuke jurahoro ndokupinda muimba yekutandarira umo akasvikotanga kurova Amelia pamberi pevabereki vake,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Baba vake vakazomudzivisa kuti asarambe achirova mwana wavo.”
Dimairo akabva atiza kubva panzvimbo iyi uye nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa kunyangwe zvazvo murume uyu asati asungwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi vachiti: “Tinokumbira vane ruzivo pamusoro pekuna Tinashe kuti vaudze mapurisa ari pedyo navo kana kutiridzira nhare panhamba dzinoti 292260538.”

Share This:

Sponsored Links