Oripira imbwa $140

02 Mar, 2018 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
MURUME wekusachengetedza imbwa yake akazozvidemba apo akamiswa mudare mushure mekunge yaruma nekukuvadza mumwe munhu zvikaita kuti muridzi wayo atemerwe mutongo wekuti amubhadhare $140 yaakange ashandisa mukuzvirapisa.

Timothy Nyakujara akamhan’arira Allen Chamwarura kuHarare Civil Court achida kuti apihwe $200 yaanoti akazvirapisa mushure mekunge arumwa nembwa yake.

“Ndiri kuda $200 inova mari yandakashandisa pakurapwa kwangu mushure mekunge ndarumwa nembwa yake,” anodaro. Anoti akabaiwa majekiseni matatu anoita $70 rimwe chete kuti asaite chirwere chechimbwamupengo (rabies).

“Ndakabaiwa majekiseni matatu anoita $70 rimwe chete kuti ndisaite rabies asi imwe $70 akandipa ndosaka ndisina kuiisa pamari yandiri kuda, imwe iri kusara imari yandaishandisa mukufamba,” anodaro.

Chamwarura anoti haana mari yaari kuda kumupa nekuti akabhadhara kare muripo kumapurisa uye akamupa imwe mari yekuzvirapisa kwaakaita.

“Handina mari yake, takaenda kumapurisa ndikanzi ndibhadhare muripo wekuti akarumwa uye ndakamupa kare imwe mari yekurapwa saka handina chikwereti chake,” anodaro Chamwarura.

Mutongi Nyasha Marufu akati Chamwarura abhadhare $140 yemajekiseni maviri aive abaiwa Nyakujara paakarumwa nembwa yake uye mari iyi anofanira kuibvisa muzvidimbu zve$40 pamwedzi kusvikira yapera.

Share This:

Sponsored Links