Uncategorized

Oriritira mhuri nemaricho, doro

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Oriritira mhuri  nemaricho, doro Mai Dambudzo Shindi vachibika doro re”Seven days” iro ravanotengesa kuti vawane chouviri nemhuri.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SHIRIKADZI yekwaNyashanu, kuBuhera South, iri kuti kufirwa nemurume handi kuguma kweupenyu sezvo iri kuraramisa mhuri nekuita maricho nekubika ichitengesa doro rechivanhu rinodaidzwa nekuti “Seven days”.

Mai Dambudzo Shindi (46) vemubhuku raGozo, vane vana vatanhatu uye vakashaikirwa nemurume wavo kare ndokusara vasina anoriritira mhuri.

Mudzimai uyu anoti akaronga zvekupota achibika doro nechibage nemapfunde iro anotengesa achizviwanira mari.

“Kubva pakashaika baba, ndinoriritira mhuri yangu nekuita maricho nekubika doro irori. Ndipo pandinowana mari yekuendesa vana kuchikoro nezvimwe.

Buhera South iri kudunhu reRegion 5 uko kunonaya mvura shoma zvichiita kuti varimi vatadze kukohwa zvakawanda.

“Ndakaona kuti upenyu hwangu hwasanduka zvachose kubva pakashaika murume wangu, Hardson Makaza. Akasiya vana vari vadiki ini ndokuzvipira kuvariritira. Ndakangozviti handina kwandinoenda.

“Dambudziko randiinaro nderemwana anofanirwa kunyora uyo ari kuda mari yemasubjects 9 paNyadi Secondary. Pano handina mombe kana mbudzi dzekuti ndingatengese kuti ndiwane mari yebvunzo dzemwana uyu,” vanodaro.

Mai Shindi vanoti Hurumende nemamwe masangano vanombovabatsira nezvekudya zvisinei nekuti hazvivakwanire.

“Ishuviro yangu kuti dai mwana wangu nekugona kwake kuchikoro awanawo mari yekuti anyore bvunzo dzimwe nguva akakunda muzvidzidzo zvake upenyu hwangu hwaizosanduka iye ava kuzvishandira,” vanodaro. Vanoti dai vaiwanawo mari yekuti vapote vachinohodha zvinhu vachitengesa sezvinoita mamwe madzimai zvaikwanisa kuvawanisawo mari.

“Kudya kungashomeke zvako asi chandinoda kuti mwana wangu awane mari yekunyora bvunzo dzemasubjects 9.”

Mumwaka weZhizha wakadarika, vanoti vakakohwa mabhagidhi mana emhunga nekuda kwekusaibva zvakanaka kunoita zvirimwa kudunhu iri.

Kune vanoda kuvabatsira vanogona kuridzira nhare dzinoti 0714 883 928

Share This:

Sponsored Links