Orongera vamwene gen’a

17 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Gabriel Singano

MUROORA anonzi ari kutukirira vamwene vake achivati vawora nemukondombera uye achavarongera gen’a rembavha dzinovabvisa chiri kumeso izvo zvakaita kuti vapotere kudare redzimhosva. Brenda Bandera akamhan’arira Eneresi Komboniyatsva kuHarare Civil Court.“Changamire, ndamira pamberi pedare nekuda kwemuroora uyu anogara achindishoropodza paruzhinji achinditi ndakatowora nekuda kwekuti ndinorwara nechirwere cheshuramatongo. Anogara achiuya pamba pangu achindituka zvinyadzi nekuda kwekuti anofunga kuti ini ndini ndinoita kuti asagarisane nemurume wake zvakanaka.

“Chikumbiro changu kunemi ndechekuti itai kuti mwana uyu asauya achindishungurudza nekuti ini handinei nezvemumba mavo. Zvekurwara nekuwora kwangu ngaazvisiye ivo vogara kwavo ini kwangu.

“Anozviti anozivana nembavha dzaachatuma kuzondipa chidzidzo,” akadaro Bandera.

Komboniyatsva akataurira dare kuti vamwene vake vaisada kuti iye nemurume wake vadzokerane achiti vakange vambosiyana nekuda kwavo.

Akaenderera mberi achiti vamwene ava vava kutsvaga nzira yokuti iye nemurume wake vasiyane zvakare nekuti havamude saka ndicho chikonzero vakamumhan’arira kumatare.

“Kutaura chokwadi mashoko tinotaudzana asi ivo vamwene vangu ndivo vasingade kuti ndigarisane nemwana wavo.

“Zuro ndivo vakamboita kuti ndisiyane, pari zvino takadzokerana asi ivo vaisada. Apa vava kungotsvaga mhosva chete vachindinyepera kuti ndinovati vakawora nekuda kwekuti vane AIDS, havangondidawo chete vamwene ava,” akadaro.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro redziviriro kuna Bandera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey