Uncategorized

‘Ndine mushonga weAIDS neEbola . . .’

18 Oct, 2019 - 00:10 0 Views
‘Ndine mushonga weAIDS neEbola . . .’ Chaunga chevanhu vachiona Man Charingana akasvikirwa nemudzimu

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

YAKAVE batai-batai pedyo nechiteshi chemabhazi cheCopacabana muguta reHarare apo mumwe murume akangoerekana abudirwa nemudzimu waitaura kuti unokwanisa kurapa AIDS neEbola.

Murume akasvikirwa pakati peguta uyu ndiMan Charingana (44) uyo anoti akatanga kusvikirwa nasekuru vake, Matenganyika, mumwedzi waKurume gore rino.

Mudzimu uyu waiti, “Ndakazvarwa ndakaruma mudzi pamuromo, ndiine chuma chitema muhuro nejira dema ndokuzoita makore mashanu, ndokuzotorwa nenjuzu. Ndakazobuda pasi pemvura ndakabata midzi, mumwe muruoko rwerudyi mumwe rweruboshwe.

“Ndakarapa kwemakore makumi matanhatu nematatu ndikazofa ndokazomuka, ndipo pandakazobuda pahomwe yangu gore rino.

“Ndakaratidza homwe yangu mishonga iyi uye haina kuramba kuichera. Ndakatanga ndairatidza mishonga yeAIDS ndikazomuratidza wechirwere cheEbola. Mushonga weEbola makwenzi mana uye munhu anoita masvondo matatu nemazuva matatu anobva anaya.”

Chakashamisa vamwe ndechekuti unozviti mudzimu uyu waitaura mamwe mazwi echirungu sekuti mwedzi “waMarch”, zvimwe zvichingovhiringidzaniswa.

Muhurukuro neKwayedza apo mudzimu wakange waenda, Charingana anoti mishonga inonzi inorapa iyi haisati yatanga kushandiswa uye akaiendesa kusangano rinomiririra varapi vechivanhu reZimbabwe National Traditional Healers Association (Zinatha) kuti iendeswe kunyanzvi dzezveutano kunovhenekwa kuti ionekwe kuti ndeyemandiriri here.

“Handisati ndambopa munhu kana mumwe chete mishonga iyi kuti aishandise saka handisati ndaziva kuti inoshanda here. Asi vadzimu vari pandiri ndivo vakapinda neni mumasango ari kuGokwe nekuSanyati vachindiratidza uye masanganisirwo ayo,” anodaro.

Mutungamiriri wesangano rinoona nezvevarapi vechivanhu reZimbabwe National Practioners Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti munyika muno hamusati mawanikwa mishonga inorapa Ebola kana AIDS.

“Mamhepo anoita kuti munhu aite kunge abudirwa nemudzimu achidedera sezvamaona. Tinozotenda bedzi kuti mishonga inorapa AIDS neEbola kana yavako uye yapasiswa nenyanzvi dzinoona nezvemishonga inoshandiswa neveruzhinji kumarabhotirari neveMedicines Control Authority of Zimbabwe,” vanodaro.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevesangano reZinatha uko Charingana anoti akaendesa mishonga yake kunoongororwa.

Munguva yadarika, mutungamiriri wechechi yeProphetic Healing and Deliverance Ministries, Prophet Walter Magaya, akaendeswa kumatare edzimhosva mushure mekunge vazivisa nyika kuti ainge vawana mushonga unorapa HIV/AIDS.

Prophet Magaya akange ati mushonga wake – uyo unonzi Aguma – wakaongororwa nedzimwe nyanzvi dzezveutano dzekuIndia.

Akaendeswa kumatare mushure mekushambadza mushonga uyu usina kuongororwa nekupasiswa neveMedicines Control Authority of Zimbabwe sezvinodiwa nemutemo.

Pasi rose, hakuna mushonga unorapa AIDS wati wawanikwa kana dai zvazvo kuine ongororo dzichiri kuitwa.

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana ragara richikurudzira vanhu vari kurarama neHIV neAIDS kuti vasamire kutora mishonga yavo nekuda kwekuti vanenge vaudzwa nen’anga kana maporofita kuti vairegere sezvo izvi zvichiisa utanho hwavo panyatwa.

 

. Onai vhidhiyo renyaya ino pa: www.kwayedza.co.zw

 

Share This:

Sponsored Links

https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG