Orova vabereki zvose nemaroja

20 Sep, 2019 - 00:09 0 Views
Orova vabereki zvose nemaroja

Kwayedza

Milcah Nhakura

BABA naamai vekuoneswa ndondo nemwanakomana wavo uyo wavanoti anogara achivarova pamwe nekufurufusha maroja avo vakazopotera kudare redzimhosva.

Livingstone Nyatsine pamwe nemudzimai wake vakamhan’arira mwanakomana wavo Gracious Nyatsine (47) kuHarare Civil Court vachimupomera mhosva yekusagona kuchengetedza runyararo pamba. “Mwana uyu andikandisa mapfumo pasi, ndinoshaya kuti mwana wa1972 anoswera achida kuchengetwa nechembere yakura seni sei. Pamusoro pekumuchengeta kwandiri kuita, anondirova nekundikanganisira bhizimisi rangu rekurima.

“Ndanzwa nekutukana nemaroja nepamusaka pake, anokamanisa maroja kuti amupe mari iyo anopedzera mudoro,” vanodaro baba vemuchinda uyu.

Vanoenderera mberi: “Ngaarege zvake kuuya kudzimba dzangu achitora mari kumaroja. Dzimba idzi dzinosanganisira iri kwaRusape neyekuNyanga. Ngaarege zvakare kuuya kuimba yandiri kugara kuGlen View 1 uyezve ngaasaende kumapurazi angu ose, handichada kumuona. Zviri nani agare kuimba yatakamusiira kumusha nekuti kuno kutaundi ava kutishaisa zororo.”

Mashoko aya anotsinhirwa nemudzimai wavo achiti Gracious anogara achivaonesa pfumvu.

Gracious haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake. Mutongi Noah Gwatidzo akapa vabereki vaGracious gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links