Orwisa Covid nekuimba

26 Jan, 2022 - 06:01 0 Views
Orwisa Covid  nekuimba Mathius Mambara

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUIMBI ari kusimukira mumusambo weZim dance-hall wekuKotwa, kuMudzi ari kurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nenziyo dzinokurudzira veruzhinji kutevedzera zvizere matanho aripo ekudzivirira kutapurirana denda iri.

Mathias Mambara anobva mubhuku raChatima, mudunhu raMambo Mukota anoti akatanga kuimba mugore ra2010 uye akanyora nziyo dzinodarika 35 asi zhinji dzacho hadzina kutsikiswa.

Muimbi uyu, uyo anozvipa zita remadunhurirwa rekuti Deadly Mashanana nekuda kwemutambo wekarate waanotamba, akabura nziyo ina dzine chekuita nedenda reCovid-19 dzinoti Corona, Munhu Wese, Tsava Tsava paJoni naRunyararo.

Mukati menziyo idzi, akaimbawo kamwe kekurumbidza mutungamiri wenyika President Mnangagwa nekuda kwekukurudzira kwavo runyararo munyika, zvikuru munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19.

“Nematambudziko akatarisana nenyika uye nepasi rose nekuda kweCovid-19, ndakaimba nziyo idzi ndichida kuyambira ruzhinji kuti titevedzere matanho ose ekuzvidzivirira kubva kudenda iri. Mukambo Corona, mune mashoko anoti Mwari shamhu yenyu taiona changamire inzwaiwo kuchema kwedu vana vemuZimbabwe.

“Ndinokurudzirawo kupfekwa kwemamasiki nguva dzose nekusaungana nezvimwe zvose zvinodiwa,” anodaro Mambara.

Kambo kanonzi Tsava Tsava paJoni anoti kari pamusoro pemudzimai nemhuri vakasiiwa kumusha nemurume achienda kunoshava kunyika yeSouth Africa munguva ino yeCovid-19.

Murume uyu haana kukwanisa kuzodzoka nekuda kwematambudziko aari kusangana nawo izvo zvakonzera kuti mhuri itange kutambura.

“Nekudaro mudzimai nemhuri vari kuchema kuti vava kufa nenzara, havasisina chekubata vakangomirira baba vasingadzoke. Asi vanenge vasingazive kuti baba vapenyu here kana kuti vakatofa nekuda kwechirwere cheCovid-19,” anodaro Mambara.

Anoti mukambo Runyararo, anorumbidza President Mnangagwa nekukurudzira kwavanoita kuti vanhu vagare murunyararo.

“Tikatarisa mhirizhonga mudzimba munguva ino yekurwisa denda reCovid-19 yakawanda sezvo mudzimba mukaita matambudziko kushatirisana nekutsamwisana kunowanda. Asi mutungamiri wedu wenyika vanogara vachiparidza runyararo nguva dzose vachiti vanhu vagarisane zvakanaka,” anodaro Mambara.

Share This:

Sponsored Links