Oshinha namaiguru achitsividza

01 Oct, 2022 - 08:10 0 Views
Oshinha namaiguru achitsividza Mambo Nemangwe

Kwayedza

Gibson Mhaka

MUCHIITIKO chinenge bhaisikopo, murume wekwaMambo Nemangwe kuGokwe akashinha nemudzimai wababamukuru vake mushure mekunge avabatikidzawo vachisasana nemukadzi wake.

Zvinonzi Wellington Sibanda wemubhuku raMarimirofa paakabata mudzimai wake, Lucia Matambanadzo, achishinha nababamukuru vske, Douglas Sibanda, yakave bata murefu bata mupfupi apo aida kuvatema vose nedemo.

Munin’ina waDouglas, Charles, anonzi akabva apindira munyaya iyi ndokutora divi remukoma wake.
Izvi zvinonzi hazvina kumira zvakanaka kuna Wellington uyo akabva atyisidzira Charles achiti aizoshinha nemudzimai wake, Mary Dube, sekutsividza chekutora divi raDouglas. Charles, uyo pakutanga akanga asina kukoshesa kutyisidzira kwaWellington, akakatyamadzwa apo akazomubata achishinha nemudzimai wake pamubhedha wake.

Mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti Wellington anonzi akazvirova dundundu achiti aida kuti Charles azivewo marwadziro azvinoita kubatikidza mudzimai achishinha nemumwe murume.

“Wellington paakabata mudzimai wake achishinha nababamukuru vake, akaita hasha ndokuda kuvatema nedemo asi akazodziviswa naCharles uyo akamukumbirisa kuti asadaro. Mukudaro, aive kudivi raDouglas.

“Nehasha, Wellington akaudza Charles achiti aizoitawo saizvozvo kumudzimai wake,” anodaro munyeveri uyu.
Wellington, uyo aigara achipika kuti acharwadzisa Charles sezvaainge aitwa naDouglas, akazoenda kudare raMambo Nemangwe achida kuripwa nababamukuru vake.

Douglas akaripiswa mombe mbiri semuripo wekushinha nemukadzi waWellington.
Mambo Nemangwe vanotsinhira nyaya iyi.

“Inyaya inonyadzisa chaizvo. Makunakuna chaiwo, zvinonyangadza. Fungai kuti murume akauya kudare rangu achida kuripwa nababamukuru vake mushure mekuvabata vachishinha nemukadzi wake asi iye akazobatwawo ari pamubhedha aine mukadzi wababamukuru vake.

“Iye zvino ari kuramba kuripa mombe mbiri dzandakamubhadharisa, imwe ndeyekupa babamukuru vake uye imwe ndeyekusvibisa kwaakaita dunhu rangu.

“Zvisinei, ari kuti mombe yekusvibisa dunhu rangu yakabviswa nababamukuru vake avo vandakaripisa mushure mekunge avabatikidza vaine mukadzi wake achiti vanobva kumhuri imwe chete.

“Mudare, mativi maviri aya akakonzera mhirizhonga zvekuti takatozoshevedza mapurisa akavasunga,” vanodaro Mambo Nemangwe.

Share This:

Sponsored Links