Oshora vanotaura mashoko enhema

22 Aug, 2021 - 15:08 0 Views
Oshora vanotaura  mashoko enhema

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wemusambo weZora Music – Lucky C Nyatsanga – anoti veruzhinji vanofanirwa kusiyana netsika yekutenderedza mashoko enhema padandemutande pamusoro pechirwere cheCovid-19 uye nekubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri sezvo zvichidzosera kumashure basa guru riri kuitwa neHurumende.

Izvi zvinotevera katsika kari kuitwa nevamwe vanhu kekutenderedza mashoko enhema pamadandemutande anosanganisira Facebook, WhatsApp neTwitter vachinyepa pamusoro peCovid-19 izvo zvinozokonzera kuti vamwe vatye kunobaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri.

Nyatsanga, uyo anotungamira chikwata cheThe Super Challengers, anoti anotsigira zvikuru chirongwa chekubaiwa nhomba yeCovid-19.

“Kune vamwe vanhu hameno kuti misoro yavo yakamboita sei chaizvo, vanoswera vachitenderedza mashoko enhema pamusoro peCovid-19 uye chirongwa chekubaiwa nhomba izvo zvinove zvinhu zvakashata zvikuru.

“Ngatisaterere vanhu ava nekuti vanodzosera budiriro yedu senyika kumashure. Ngatitevedzere chete zvatinoudzwa neHurumende yedu, handei nehuwandu hwedu tinobaiwa nhomba kuti zvigotibatsira kuti Covid-19 isarambe ichiuraya vanhu.

“Ini semuimbi, ndinotsigira chirongwa chekubaiwa nhomba, chakanaka zvikuru uye chiri kubatsira. Ngatibaiwei tizvichengetedze kubva kuCovid-19.

“Vaye vanoswera vachitumira mashoko enhema, vamwe vacho ndivo munozoona vachinobaiwa muchihwande-hwande apa vanenge vakupai mashoko enhema kuti musabaiwe vachikutyisidzirai kuti muchafa kana kuti munozomera nyanga nezvimwe zvavanotaura zvenhando,” anodaro.

Nyatsanga anoti nguva ino yasiyana nakare sezvo denda iri rasandura upenyu hweveruzhinji.

“Ino handi nguva yekugarira pfungwa, zvinoda kushandisa pfungwa mukutsvaga raramo nekuti upenyu hwedu tose hwakashandurwa neCovid-19. Isu sevaimbi hatina chatiri kuwana nekuti hatisi kukwanisa kuita mashoo sezvo magitare akambomiswa.

“Saka nyika yose ikakwanisa kunobaiwa nhomba yeCovid-19 ndinoona zvichinzi magitare ngaachivhurwe nekuchimbidza.”

Muimbi uyu ave nemakore achikwenya magitare uye kusvika pari zvino akwanisa kutsikisa madambarefu matatu anoti Gwara rakanaka (2016), Ndozviripo (2019) naNdezvemeso (2021).

Mumhuri yake, haasi iye oga anoimba sezvo mudzimai wake – Precious Zvenyika nevana vake vatatu Tamuka, Tawonga naBrandon – vari kuimba musambo wechitendero.

“Ndakakomborerwa kuti mhuri yangu inotsigira basa rangu uye mudzimai wangu iye zvino ari kutsikisa mhanzi yechitendero. Mhanzi iri kubva yatibatanidza semhuri,” anodaro Nyatsanga.

Share This:

Sponsored Links