Osimudza mureza weZim kuTanzania

28 Jan, 2021 - 14:01 0 Views
Osimudza mureza weZim kuTanzania Revai Madondo

Kwayedza

Abel Ndooka
Shasha yetsiva yechidzimai — Revai Madondo — anoti achasimudza mureza wenyika nemusi weChishanu apo achasangana naStumai Muki wekuTanzania mumutambo weRumble in Dar kunyika iyi.
Madondo, uyo ari kusimukira mumutambo wetsiva, kana akahwina mutambo uyu achawaniswa mukana wekusangana naMariela Ribera Valverde wekuBolivia mumutambo wekurwira bhande reWorld Boxing Federation SuperFlyweight muna Kubvumbi.

Muhurukuro neKwayedza asati asimuka akananga kuTanzania, Madondo akavimbisa kuti ari kunorwa semvumba kumutambo uyu kuti agofambira mberi awane mukana wekurwa naValverde.

“Ini chishuviro changu kuti ndive shasha yetsiva pasi rose ndigove nemabhande makuru uye ndinoda chaizvo kusimudza mureza wenyika yangu kwese kwandinonokwikwidza.

“Uyu mukana unouya kamwe chete muhupenyu saka ndinotofanirwa kuubatisisa ndoushandisa,” anodaro Madondo.
Madondo akaperekedzwa kuTanzania namaneja wake — Clyde Musonda weDeltaforce Boxing —uyo anovazve murairidzi wake.

Musonda anoti Madondo ane chipo chikuru chekuzove shasha yetsiva yechidzimai kubva muZimbabwe mune remangwana.

“Revai ndashanda naye kwenguva ndefu kubva achitanga, ndinomutemda zvikuru uye ane chipo chikuru zvekuti anosvika kure mumutambo uyu.

“Hapana chinombomutadzisa kuti asvike kwaanoda mumutambo uyu nekuti chipo chiripo uye munhu agara zvake anoterera achishandika naye zvakanaka.

“Chishuwo chedu seDeltaforce Boxing Academy kuti Madondo agohwina musi weChishanu apo achasangana naMuki kuitira kuti afambire mberi agosangana zvakare naRibera Valverde,” anodaro Musonda.

Panguva ino apo muZimbabwe musati mave kutenderwa kuti mitambo yakasiyana iitwe nechinangwa chekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19, vatambi vazhinji vetsiva vave kutonokwikwidza kunyika dzakaita seTanzania, South Africa neZambia uko mitambo yakasiyana iri kutambwa.

Kubva zvaatanga zvetsiva, Madondo akwanisa kutamba mitambo mishanu ndokuhwina miviri akaita mangange mumwe chete uye ndokukundwa mimwe miviri.

Share This:

Sponsored Links