Osvipirwa mate kumeso

24 Jan, 2020 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Courtney Munodawafa

MURUME samusha anoti anzwa nekugara achirikitwa kurohwa neaimbova mudzimai wake uyo anouya kumba nekubasa uye dzimwe nguva anomusvipira mate kumeso nekumumwaya fodya yebute.

Isaac Mavhirizhe akaendesa Loveness Zongore kudare reHarare Civil Court achikumbira gwaro rerunyararo.

Mavhirizhe anoti Zongore anoenda kumba kwake achinomurova nekumutuka.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Mavhirizhe gwaro rinomuchengetedza.

Anotanga nekuudza dare kuti, “Uyu aimbova musikana wangu asi takarambana. Anouya kubasa nekumba kwangu achinditukirira. Akambouya takarara akapwanya nharembozha yemudzimai wangu achipopota hanzi unodanana nechembere isina chiuno asi muone kusimba kwaakaita.

“Akandisvipira akandimwaya bute kumeso zvekuti maziso angu akatokanganiswa nenyaya iyoyo.”

Zongore anoudza dare kuti Mavhirizhe achiri murume wake.

“Ari kunyepa, achiri murume wangu semaziviro anoita hama dzangu. Mukadzi wake akashaya asi tainge tavimbisana kuroorana, hama dzangu dzakatomumirira kuti auye kuzoroora.

“Kumba kwake ndakaenda ndichida mari yekuchipatara nekuti nhumbu yakabva saka ndaida kurapwa,” anodaro Zongore.

Anoenderera mberi achiti, “Hazviite kuti ndirege kuenda kubasa kwake nekuti ndiri landlord, saka ndinoenda kunobhadhara mari ikoko sezvo achishanda kumahofisi ekanzuru.”

Share This:

Sponsored Links