Otambudzwa negomarara remumusoro

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Otambudzwa negomarara remumusoro Allan Katema

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
Mwanakomana wekuHatcliffe, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwe$2 500 yekuti anovhiiwa gomarara remumusoro iro rave nemakore gumi richimutambudza.

Allan Katema (10) akatorasikirwa nerimwe ziso rake rekurudyi nekuda kwegomarara iri uye rave kupararira richienda kune rimwe ziso zvekuti haachaona zvakanaka. Ambuya vemwana uyu, Mai Gladys Itai Gochera (61) – avo vanova amai vaamai vaAllan – vanoti vashaya zano rekuita nekuda kwedenda rine muzukuru wavo.

“Zvakaoma hama, misodzi yangu inogara ichiyerera nepamusaka pemuzukuru wangu uyu. Baba naamai vake vakaparadzana saka ndini ndinomuchengeta. Dambudziko iri rakabvira pakuzvarwa kwake apo akasunungukwa aine ziso rakakura kudarika rimwe.

“Nyama dzepaziso iri dzakaramba dzichingokura dzichisunda ziso kusvika azonoitwa oparesheni kuSouth Africa richibva rabviswa. Muzukuru wangu anogara achitemwa nemusoro uye pane chimwe chinyama chava kumera kumusana kwake icho chinomurwadza zvekare.

“Ava makore gumi azere mwana achingoyuwira nemarwadzo,” vanodaro Mai Gochera.

Vanoti musoro wemuzukuru wavo uri kuramba uchizvimba nepanhova nepahuma apo nyama dzepo dziri kukura dzakasviba uye ziso rake rakasara harichaona zvakanaka.

“Tava kutyira kuti mwana uyu anorasikirwa nerimwe ziso. Akambovhiiwa kuchipatara cheParirenyatwa (Group of Hospitals) asi zvava kutanga zvakare. Allan ane kudya kwaanonzi anofanira kuwana sekutaura kwemachiremba asi dambudziko rekushaikwa kwemari ndiro riri kutidzorera kumashure.

“Tiri kutsvaga mari inosvika $2 500 yekuti anoitwa imwe oparisheni yetatu panyama iri kuramba ichimera iyi nekuti tinotyira kuti zvikaramba zvichikomba kudai, chirwere ichi chinozopinda muuropi hwake,” vanodaro Mai Gochera.

Allan ari kuita Grade 3 uye anonzi anogona muchikoro. Mwana uyu anoti ane shungu dzekuti utano hwake huite zvakanaka agogarawo sevamwe vana.

Vanoda kubatsira Allan vakasununguka kufonera ambuya vake panhare dzinoti 0774 013 075 kana kutumira mari paEcoCash panhamba dzimwe chete. Dzimwe nhamba dzaambuya vemwana uyu dzinoti 0771 276 9812

 

Share This:

Sponsored Links