Uncategorized

Otevera nemukanwa

14 Feb, 2020 - 00:02 0 Views
Otevera nemukanwa Fortune Chitsvenda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZVAARI manenji, mashura padunhu!

Mudzimai wechidiki anogara kuUnit H, kuChitungwiza, anoti haasisina rugare mukurarama kwake zvichitevera mashura ari kuitika kwaari ekutevera munguva yake nemukanwa.

Kwemwedzi mitatu yadarika, Fortune Chitsvenda (30) anoti panzvimbo yekutevera sezvaagara achimboita sekusikwa kwevanhukadzi, iye ari kutevera nemukanwa.

Chitsvenda anoti pazvakatanga akafunga kuti zviri kukonzerwa nenzira yekurera mhuri yaari kushandisa ye“Jaddalle” kana kuti “Levorgestret Implant” iyo yaimbonzi “Noplant” asi machiremba ndokupokana nazvo.

“Zvakaitika ndezvekuti ndakaiswa nzira yekurera mhuri yeJadalle saka pakutanga ndaitotevera zvakanaka. Ndakazotanga kurwadziwa nejeko, ndichibva ndaregedza kutevera. Machiremba akanditi zvinoitika kuti pamwe unotevera, pamwe unotadza kana uchishandisa nzira yekurera mhuri iyi.

“Ndakazotanga kuita jeko rakanyanya, zviya zvekutopera simba. Panzvimbo yekuti nditevere nekusikarudzi, ndakatanga kutevera nemukanwa. Kana nguva yangu yakwana ndinotoburitsa zvinhu nekumuromo kwemazuva acho,” anodaro.

Chitsvenda anoti akaenda kumachiremba vakati hakuna zvinhu zvakadaro zvekuti munhu anotevera nemukanwa.

“Chinoita kuti nditi ndiri kutevera nemukanwa inyaya yekuti panguva yandinoita jeko, ndinobva ndangotanga kutevera nekumuromo. Izvi zvinoitikawo kwemazuva 7 anova ndiwo mazuva angu.

“Pandakambouya pano paHerald House nemusi weMugovera wadarika ndichida kutaura nyaya yangu kuH-Metro, ndakanga ndichitotevera nemukanwa zvekuti ndaitosvipira pachijira pandaitaura nemagadhi ari pamusuwo wekupinda nawo muno. Ndipo pamungadai makazvionera.

“Chiremba akati kana ropa iri richibuda mushure mejeko kureva kuti uri kutotevera asi hazvifanire kudaro.”

Mudzimai uyu anoti kana mazuva ake ekutevera asvika, zvinomunetsa pakudya kana kutaura nevanhu.

Zvichitevera dambudziko iri, Chitsvenda anoti ari kutsvaga rubatsiro rwekuti arapwe kuchipatara kana kuchivanhu.

“Chandinongoda ndechekuti kana ndichitevera zvinge zvichiitika nenzira kwayo kwete zvava kundishungurudza izvi. Ndinombofunga kuti uku kuroyiwa chete nekuti semudzimai asina murume uye anombodanana nevarume vevanhu, pamwe pane mukadzi wandakatorera murume wake akandiroya. Pane mumwe akambondityisidzira,” anodaro.

Chitsvenda ane mwana ari kuyamwa uye anoita mabasa ekutengesa pamisika muguta reHarare.

. Onai vhidhiyo pa: www.kwayedza.co.zw

Tiudzei zvamunofunga nenyaya ino panhare dzinoti 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links