Uncategorized

Oti kurohwa negudo, obva ashaya foni

21 Sep, 2018 - 00:09 0 Views
Oti kurohwa negudo, obva ashaya foni Danisa Masuku MUSIKANA wekuLobengula Extension, kuBulawayo — wekubvutirwa broom negudo, ndokurohwa naro svondo rapera — anoti ane rushambwa sezvo musi uyu akabirwa zvakare nhare yake inokosha $60 nevanhu vaive pamvonga-mvonga yakaitika apo mashura aya akaitika. Risati razobatwa nevanoona nezvemhuka, gudo iri rakasiya raitira tsvina yaro pamubhedha uri mubhedhuru. Precious Mbweya anoti akagurwa kunorira mushure mekushaya nhare yake paakarohwa negudo iri. “Ndaikorobha mumba apo ndakanzwa kutya zvikuru ndichiona gudo richikanyaira richipinda mumba ndokubva ratora bhurumu ndokundirova naro kumeso. “Ndakanunurwa kuti ndisarambe ndichirohwa negudo iri nevanhu vairidzinganisa. Vakapwanya hwindo ini ndokubva ndabuda nepaburi pacho,” anodaro Mbweya. Anoti akashaya nhare yake itsva yemhando yeSamsung panguva yaainunurwa nevanhu iyi. “Ndakashaya nhare yangu itsva yeSamsung iyo yandaive ndatenga $60,” anodaro Mbweya. Violet Khumalo, uyo anogarawo pamba apa anoti, “Taitandara zvedu apo takazongonzwa ruzha rwevanhu uye pataida kunzwisisa kuti chii chaitora nzvimbo, vakomana vechidiki vaive vakawanda vakabva vazara muchivanze chedu vachidzingirira gudo iri,” anodaro. Anoenderera mberi achiti, “Gudo iri rakabva rapinda mukicheni ndokutora bhurumu richibva rarova naro Precious uyo aikorobha mukicheni. ‘‘Rakabva tatizira mubhedhuru ndokuhwanda kuseri kwewadhiropu. Rakaitira yaro pamubhedha nepasi.” Khumalo anoti vakazoshevedza veZimbabwe Parks and Wildlife Authority nguva dzekuma 10am kuti vazoritora asi zvakavatorera maawa maviri kuti vasvika pamba pavo. Gudo iri rinonzi rakatoita zvekubaiwa jekiseni kuti ridzikame uye rakazobatwa ndokuendeswa kunzvimbo inochengetwa mhuka yeChipangali Wildlife Orphanage iyo iri kunze kweguta reBulawayo. Ichi chiitiko chechipiri mukati memasvondo maviri gudo richionekwa mukati meguta reBulawayo.

Kwayedza

Danisa Masuku

MUSIKANA wekuLobengula Extension, kuBulawayo — wekubvutirwa broom negudo, ndokurohwa naro svondo rapera — anoti ane rushambwa sezvo musi uyu akabirwa zvakare nhare yake inokosha $60 nevanhu vaive pamvonga-mvonga yakaitika apo mashura aya akaitika.

Risati razobatwa nevanoona nezvemhuka, gudo iri rakasiya raitira tsvina yaro pamubhedha uri mubhedhuru.

Precious Mbweya anoti akagurwa kunorira mushure mekushaya nhare yake paakarohwa negudo iri.

“Ndaikorobha mumba apo ndakanzwa kutya zvikuru ndichiona gudo richikanyaira richipinda mumba ndokubva ratora bhurumu ndokundirova naro kumeso.

“Ndakanunurwa kuti ndisarambe ndichirohwa negudo iri nevanhu vairidzinganisa. Vakapwanya hwindo ini ndokubva ndabuda nepaburi pacho,” anodaro Mbweya.

Anoti akashaya nhare yake itsva yemhando yeSamsung panguva yaainunurwa nevanhu iyi.

“Ndakashaya nhare yangu itsva yeSamsung iyo yandaive ndatenga $60,” anodaro Mbweya.

Violet Khumalo, uyo anogarawo pamba apa anoti, “Taitandara zvedu apo takazongonzwa ruzha rwevanhu uye pataida kunzwisisa kuti chii chaitora nzvimbo, vakomana vechidiki vaive vakawanda vakabva vazara muchivanze chedu vachidzingirira gudo iri,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Gudo iri rakabva rapinda mukicheni ndokutora bhurumu richibva rarova naro Precious uyo aikorobha mukicheni.

‘‘Rakabva tatizira mubhedhuru ndokuhwanda kuseri kwewadhiropu. Rakaitira yaro pamubhedha nepasi.”

Khumalo anoti vakazoshevedza veZimbabwe Parks and Wildlife Authority nguva dzekuma 10am kuti vazoritora asi zvakavatorera maawa maviri kuti vasvika pamba pavo.

Gudo iri rinonzi rakatoita zvekubaiwa jekiseni kuti ridzikame uye rakazobatwa ndokuendeswa kunzvimbo inochengetwa mhuka yeChipangali Wildlife Orphanage iyo iri kunze kweguta reBulawayo.

Ichi chiitiko chechipiri mukati memasvondo maviri gudo richionekwa mukati meguta reBulawayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>