Uncategorized

Oti muuu semombe, kukurigorigoooo!

14 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
Oti muuu semombe, kukurigorigoooo! Lukas Sakala — Mufananidzo naArron Nyamayaro

Kwayedza

Arron Nyamayaro
MUNHU kuti muuu semombe, shiiii senyoka, kukurigorigoooo kunge huku.

Munyaya inofungidzira kuti ine chekuita nemishonga yakaipa — juju —mumwe tsikamutanda ave kugara achikuma semombe, kushita senyoka nekukukuridza sejongwe rehuku.

Lukas Sakala (45) wekuAlaska Mine, kuChinhoyi, anoti aive nesimba rekubata varoyi uye kurapa vanhu achishandisa nyoka iyo akapihwa neimwewo n’anga.

Sakala pari zvino ari kupika jeri kwemakore 18 kuHarare Central Prison mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo kamwana mugore ra2013.

Anoti zvakare akabata chibharo imwe n’anga yechidzimai achibatsirana neshamwari yake — Felix — uyo anobva kuKaroi.

“Ndaiva tsikamutanda uye ndikapihwa simba rekubata varoyi nekurapa ndichishandisa nyoka yangu iyo yandaigara nayo mumba mangu,” anodaro Sakala pasina kana kunyara.

Muchinda uyu anonzi ave kukanganisa rugare kuvamwe vasungwa nekuda kwekugara achiita ruzha rwemhuka nezvimwe zvipukanana.

“Mugariro wangu zvino kushita senyoka, kukuma semombe kana kukukuridza sejongwe rehuku. Mubasa rangu ndaishandisa mombe, nyoka, huku nembwa.

“Nyoka yangu ndaigara ndichiipa ropa rembudzi, huku neremombe. Zvino pandakasungwa yakabva yadzokera kun’anga kwandakaitora,” anodaro.

Sakala anoenderera mberi achiti, “Ndaitoona kuti ndagara ndiine mombe, huku nembudzi zvekuuraya uye taishanyira mabhuku anogara vanhu akawanda tichinochenura.

“Takatorera vanhu mombe dzavo, huku, mbudzi nehwai nehutsikamutanda. Asi muno mujeri ndadzidza kuti izvi zvakaipa. Iye zvino ndave kukuma semombe nekuita senyoka zuva roga-roga, ndichikukuridza sejongwe.”

Murume uyu anoti akasiyana nemudzimai wake mushure mekuita katsika kekushinha nevakadzi vakawanda – kusanganisira vane mimba – izvo zvaanoti zvaipikisana nemhiko dzaakange apihwa nen’anga yakamupa mushonga.

“Pane imwe nguva, Felix neni takadzidzana kubata chibharo imwe n’anga yatakange tabata pataiita zvekuchenura misha uye takazoudzwa negodobori rakandipa mushonga kuti mukadzi watakabhinya uyu akatisveta ropa redu patakamubata.

“Anonzi akafumura masimba edu uye kushinha kwandaiitawo nevakadzi vakawanda zvaipikisana nebasa redu rekuchenura misha. Ndinovimba kuti izvi ndizvo zvakaita kuti ndisungwe nekuti nyaya yangu yaisanganisirawo kubata chibharo kamwana,” anodaro Sakala.

Sakala anoti nyaya yake yekubhinya n’anga yechikadzi yakaendeswa kwamambo uko Felix akaripiswa mombe nhatu.

Share This:

Sponsored Links