Oti vaimbi vadzidza

11 Nov, 2021 - 16:11 0 Views
Oti vaimbi vadzidza

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wenziyo dzechitendero – Privilledge Mutero – anoti Covid-19 yamudzidzisa hushingi uye ndokumuswededza pedyo naMwari izvo zvamuona achitsikisa dambarefu rake rekutanga rinonzi “Akatendeka Ishe”.

Mutero – uyo vazhinji vanoziva nekambo kanonzi Kufamba naJesu ako kakaita mukurumbira gore radarika – anoti vaimbi vakakanganiswa zvikuru mubasa ravo nekuda kwechirwere ichi sezvo vakawanda vavo vasiiwa vasina chekubata.

“Kuuya kweCovd-19 kwakatidzidzisa hushingi, munhu unofanirwa kushinga uye kushanda nemaoko ako zvakasimba kuti urarame nekuti ukasadaro hapana kwaunoenda. Sesu vamwe, Covid-19 yakationdonga mabasa edu asi kuburikidza nehushingi uye kunamata, tiri kukundiswa.

“Saka semuimbi, ndiri kupa dzidziso kune veruzhinji nevatendi vakasiyana kuti ngatiise zvose mumaoko aMwari nekuti ndivo vanotizarurira chiedza nenzira apo zvinhu zvinenge zvaoma.

“Patinopererwa nekufunga, Mwari ndipo vanotizarurira nzira kuti zvose zvatinoda kuita zvigofamba zvakanaka,” anodaro Mutero.

Muimbi uyu, uyo anotsigirwa nechikwata cheAmazing Grace, dambarefu rake rekutanga rine nziyo dzakaita saAnotida Ishe naNever Give Up idzo dzinodzidzisa nezvehukuru hwaMwari.

“Nekuuya kwakaita denda reCovid-19 iri, zvainge zvakaoma muupenyu hwedu tose asi Ishe vakatichengeta. Saka ndine kambo kandakatsikisa padambarefu rangu rekutanga kanonzi Anotida Ishe kanotaura pamusoro pezverudo rwatenzi kwatiri koita kamwe kanonzi Never Give Up ako kanokurudzira vanhu kuti vasarase tariro zvinhu pazvinege zvakaoma muupenyu,” anodaro Mutero.

Share This:

Sponsored Links