Oti vanhu vasavarairwe

11 Sep, 2021 - 13:09 0 Views
Oti vanhu vasavarairwe Dedicated Kerrymore Musasa

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechidiki ari kusimukira – Dedicated Kerrymore Musasa – ari kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachitevedzera matanho ekudzivirira chirwere cheCovid-19 sezvo denda iri richirimo munyika.

Musasa anoti kune vamwe vanhu vave kuvarairwa panyaya yekuzvidzivirira kuchirwere ichi zvichitevera danho rakatorwa neHurumende rekunyevenutswa kwematanho ekurwisa Covid-19 (lockdown) uye izvi zvine njodzi yekuti denda iri rinogona kuramba richipararira.

“Tinogamuchira kunyevenutswa kwakaitwa lockdown munyika asi iye zvino vanhu hatifanire kuzofarisa nekuti tikavarairwa denda iri rinotanga kuwedzera vanhu vakawanda vobatwa naro.

“Zvakakosha kuti titevedzera zvinogara zvichitaurwa naPresident Mnangagwa kuti ngatinobaiwa nhomba, tigare takapfeka mamasiki nguva dzose uye tisaungane pose pose pamwe nekugeza maoko nesipo nguva nenguva kana kuzora sanitizer,” anodaro Musasa.

Muimbi uyu ane kambo kaakatsikisa kari pamusoro peCovid-19 kanonzi “Zvirwere Zvawanda” ako anopa chenjedzo kune veruzhinji kuti vazvidzivirire kuchirwere ichi.

Anoti basa revaimbi vazhinji rakanganiswa nekuuya kwedenda iri sezvo vasisawane mukana wekuita mashoo uye vave kutotsvaga mamwe mabhindauko ekuita kuti vawane raramo nemhuri dzavo.

“Sevaimbi, basa redu harisi kufamba nekuti patinoridza mashoo edu ndipo tinowana mari. Asi iye zvino handizvo zviri kuitika, naizvozvo tinofanirwa kuve nedzimwe nzira dzekuti mhanzi yedu isvike kuvatsigiri vedu tichiitawo mari.

“Zvinhu zvose zvave kungoitwa padandamutande apo tave kutoshandisa kuti mhanzi yedu itenderere nekusvika kuvatsigiri vedu. Hazvichade kuti tigarire pfungwa, tinotofanirwa kushanda nesimba nekuitawo mamwe mabhindauko anotiraramisa nemhuri dzedu,” anodaro Musasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>