Otongerwa kugara netsoko

30 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Otongerwa kugara netsoko Zachariah Moyana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME ane makore 32 ekuberekwa wekuChipinge, uyo akasungwa aine tsoko muAfrica Unit Square pakati peguta reHarare, amiswa pamberi pedare reHarare Magistrates’ Courts achitarisana nemhosva yekutyora mutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka weParks and Wildlife Act.

Akavharirwa mutirongo uye ari kutarisirwa kuzopihwa mutongo wake nhasi.

Zachariah Moyana anobvuma mhosva yake pasina kukakama apo amiswa pamberi pamutongi Tafadzwa Miti.

Paabvunzwa nemutongi kuti chii chakaita kuti atange kuchengeta tsoko iyi, Moyana anoti ndiye akatoinunura mushure mekunge amai vayo vaurayiwa nevamwe vanhu kuChipinge.

“Vanhu vane hutsinye vakauraya amai vekatsoko aka. Saka ini nerudo uye tsitsi dzangu ndakakatora ndikatanga kukachengeta ndichikakurungira bota, kukapa michero yakadai semabanana, maranjisi, maapple, sadza nezvimwe. Musi wandakasungwa ndaitoda kuendesa katsoko aka kune vanoona nezvemhuka,” anodaro.

Achibvunzurudzwa zvekare kuti akafamba sei netsoko iyi kubva kuChipinge kupinda muguta reHarare, Moyana anoti vanhu vaingomufarira nekuda kwekuti ainge akabata tsoko iyi saka haana kana kuita dambudziko parwendo rwake.

Anoti kunyangwe vatyairi vemabhazi havana kuda kumubhadharisa mari nekudaro akaita mufamba nyore.

Zachariah Moyana

“Ndiri munhu anopa mazirudo, asi kazhinji pandinopa rudo ndini ndinosara ndava pamhosva. Seizvi, ndange ndatoumba rudo netsoko iyi yandakagara nayo kwegore rose asi nhasi uno ndasungwa.

“Kunyangwe vanoona nezvemhuka veParks vakatopinda panguva yakaoma kuti vandiparadzanise netsoko iyi nekuti taiwirirana,” anodaro.

Muchuchisi Thomas Chanakira vanoudza dare kuti nemusi wa28 mwedzi uno, matikitivha ekuCriminal Investigations Department (CID) Minerals, Flora and Fauna Unit muHarare vakatambira mashoko ekuti muAfrica Unit Square maive nemurume ane tsoko.

Vakaenda vakamuwana akagara pabhenji apo tsoko iyi yaive igerewo pamusoro pebhegi rake.

Matikitivha aya akamukumbira kuti aburitse magwaro anoratidza kuti ane mvumo yekuchengeta mhuka asi akakundikana izvo zvakaita kuti asungwe.

Share This:

Sponsored Links