Otongerwa kuuraisa munhu mutsaona

25 Apr, 2023 - 17:04 0 Views
Otongerwa kuuraisa munhu mutsaona Dare

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wemuHarare wekutakura vanhu vatanhatu nemotokari yake mumugwagwa weHarare-Masvingo izvo zvakazoona mumwe wavo achirasikirwa neupenyu mushure mekunge aita tsaona, ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaaitwa nedare kugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri.

Innocent Marure (38) wepanhamba 8676 Retreat Park amiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts, Hurungudo, avo vazomubvisira mwedzi mina pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Vaenderera mberi nekumubvisira mwedzi misere yange yasara nechitsidzo chekuti anofanira kunofondoka kwemaawa 345 pasina mubhadharo pane chimwe chikoro.

Pamusoro peizvi, vamuti ape rezinesi rake rekutyaira kudare mukati memazuva manomwe.

Marure atongerwa mhosva yekukonzera rufu rwemunhu (Culpable Homicide As Defined in Section 49 of the Criminal Law Codification and Reform Act Chapter 9:23).

Muchuchisi VaMunyaradzi Chisvo vaudza dare kuti nemusi wa28 Nyamavhuvhu gore rapera munguva dzemangwanani, Marure akanga achityaira motokari yake yemhando yeHonda Fit ine nhamba dzinoti AFU 0391 mumugwagwa weHarare-Masvingo akananga kuHarare.

Vasvika pachinhambwe chemakoromita 77, Marure akakundikana kutyaira motokari yake zvakanaka izvo zvakaita kuti ibude mumugwagwa ichinanga kuruboshwe ndokubva yapidiguka kamwe chete ikanorara nedenga rayo.

Charity Hugudyu, uyo aive mumwe wevanhu vatanhatu vaive mumotokari iyi, akakuvara zvikuru achibva aendeswa kuchipatara cheChivhu General Hospital uko akasvika achifa.

Magwaro emachiremba akaongorora mutumbi wake uye eVehicle Inspection Department (VID) avo vakaongororawo motokari iyi aburitswa mudare seumbowo.

“Mhosva yekuita tsaona zvakaita kuti pafe munhu mumwe chete ndinoibvuma asi panguva yazvakaitika ndakatanga ndanzwa ruzha rwechinhu chinenge kuputika kwetayi,” anodaro Marure.

Share This:

Sponsored Links