Uncategorized

Owetera mumigomo izere mvura yekunwa

03 Jun, 2021 - 12:06 0 Views
Owetera mumigomo izere mvura yekunwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara mumusha weBudiriro 5B, muHarare, anonzi akawanikidzwa nguva pfupi yadarika ari pamba pemuvakidzani wake achiitira weti mumigomo nemumadhishi ainge aine mvura yekunwa neyekugeza.

Mashura aya anonzi akaitika panhamba 13067 panova pamba paVaNhamo Mazikana (45) nemudzimai wavo, Mai Molline Raisi Mazikana (35). VaAndrew Chinyani (51) ndivo vanopomerwa kuti vakaitira weti mumigomo, mabhaketi nemumadhishi azere mvura aMai Mazikana.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nezvenyaya iyi.
“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa edu ekuBudiriro nevaridzi vepamba apa, asi yakazogadziriswa nemapurisa edu anodyidzana neveruzhinji ikoko,” vanodaro Insp Chazovachii.

Asi VaChinyani vari kurambisisa nyaya iyi vachiti ine chinangwa chekuda kusvibisa zita ravo.
Mai Mazikana vanoti havana neremuromo nekuda kwezvakaitika mambakwedza ezuva iri.

“Ndakanga ndichangobva kudavira foni kuma2 kunze kwave kuyedza ndokunzwa karuzha ndikati pamwe yaive imbwa yaiitira weti mumigomo nemadhishi zvataiva takaisa mvura. Ndakamutsa murume wangu kuti adzinge yandaifunga kuti imbwa iyi, ndokuzotarisa tikaona muvakidzani wedu VaAndrew Chinyani vachiitira weti mumvura yatinoshandisa iyi,” vanodaro Mai Mazikana.

Vanoti vakashevedzera murume uyu kuti vainge vamuona uyewo vamuziva vachimubvunza kuti aiitirei zvinhu zvakadaro.

“Takamuka tichishevedzera kuti vaiitirei weti mumvura yedu yekunwa neyekushandisa mamwe mabasa pamba. Takamutsa mudzimai wavo apo murume uyu akatiza ndokunohwanda kuseri kwemba yebhoisikai yavo apo vanhu vakamuka. Akazotizira kumugwagwa ndokuzoita sekunge aibva ikoko,” vanodaro Mai Mazikana.

VaChinyani vanonzi vakabvunzwa nevemhuri iyi kuti vaiitirei weti mumigomo nemadhishi aiva nemvura asi vakaramba mhosva yavaipomerwa iyi.

“Murume uyu akaramba kuti akaitira weti mumvura yedu yekunwa ndokuti aibva kubhawa. Takazobvunza mudzimai wavo akati vakanga vabuda mumba chinguvana chaiva chadarika vachiti vaienda kuchimbuzi apo takazovaona vachiita weti mumvura yedu. Hatizive kuti migomo yedu yemvura ndicho changa chiri chimbuzi chavo here,” vanodaro Mai Mazikana.

Nyaya iyi inonzi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuBudiriro, VaChinyani vakashevedzwa kuti vanotsanangura zvakaitika.

“Takazoenda tose kumapurisa nenyaya iyi akairamba murume uyu zvisinei kuti takamuona achizviita. Pamberi pemapurisa akati akandinzwa ndichitaura pafoni kureva kuti akanga ari pamigomo yedu yemvura, akayambirwa nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro Mai Mazikana.

Benjamin Mazikana (18) mwanakomana waMai Mazikana anotsinhira nyaya yekuti VaChinyani vakaonekwa vachiitira weti mumigomo yemvura yavo.

VaChinyani vakaridzirwa nhare ndokutaurwa navo neKwayedza apo vakaramba nyaya yavari kupomerwa iyi.

“Handina kumboitira weti mumvura yavo, vakamuka vachindiona ndichitobva zvangu kubhawa ndokutanga kuridza mhere vachiti ndainge ndichiitira weti mumigomo yemvura yavo. Inyaya yekugadzira iyi, hakuna zvakadaro,” vanodaro VaChinyani.

Kwayedza ine vhidhiyo rakatorwa nevamwe vaive apa apo murume uyu aida kurohwa nenyaya yekuti ainzi aiitira weti mumvura inonwiwa nevanhu uyewo netsamba yekushevedzwa kwake kumapurisa.
Muvhidhiyo iri, vanhu vaimusandudzira vaine hukasha vachimubvunza kuti ainge aiitirei weti mumvura yevaridzi.

Zvichakadai, Mai Letwin “Gogo Mamoyo” Manguwo, vanoti weti inoshandiswa zvinhu zvakawanda — zvakanaka nezvakaipa.

Mbuya Mamoyo

“Weti inoshandiswa zvakasiyana, zvimwe zvacho kufumura zvakaipa zvimwe zvacho pakushereketa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>