Uncategorized

Oyamwiwa nechipoko

23 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Oyamwiwa nechipoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI shirikadzi wekwaChihota anoti aoneswa nhamo nekuyamwiwa mazamu ake nechipoko chemurume wake icho chinouya kwaari achitochiona.

Mai Grace Bangure (61) —avo vanobva mubhuku raGochera Mataranyika, kwaMambo Nenguwo asi pari zvino vari kugara kuSouthlea Park, muHarare — vanoti aiva murume wavo, Noah Bangure, akashaika nemusi wa16 Kubvumbi gore rino apo vakanga vaenda kurufu rwemuroora wavo kwaMutoko. Murume wavo akafira mumota vachibva kunhamo uku.

“Chakatanga mashura nekuti murume wangu haana kurwara. Takaperekedza mutumbi wemuroora wedu kwaMutoko uko takanouradzika. Takakwira tose murori tave kudzoka kuHarare, baba vachibva vatanga kuti vaipiswa zvikuru. Vakabva vafira mumota tave kusimuka kubva parufu isu ndokuzoenda kumapurisa kunomhan’ara nyaya iyi. Mutumbi wavo takabva tauendesa kumochari yechipatara cheMutoko,” vanodaro.

Vanoti mutumbi wemurume wavo wakazonovigwa kumusha kwaChihota.

Mai Grace Bangure

“Taviga murume wangu, vemhuri yekumurume wangu neni takazofamba kukanobatwa kunzi murume wangu ainge auraiwa nengozi yemumusha mavo. Mapera kufa vanhu vasingarware,” vanodaro Mai Bangure.

Vanoti mushure memazuva mashoma, vakatanga kurota murume wavo achiuya kwavari achida kuita bonde navo asi ivo vachiramba apo aizoguma ovayamwa mazamu.

“Ndakatanga kurota ndichiyamwiwa mazamu nemurume wangu achidazve kuita bonde neni. Pose pazvinoitika, ini ndinoramba ndiri kuhope ikoko.

“Nekufamba kwenguva, mazamu angu akatanga kubuda mukaka sendine mwana mucheche apo gotwe rangu pavana vatanhatu ratosvitsa makore 24 ekuzvarwa,” vanodaro. Vanoti zvakare vanoita madzikirira vachirota murume wavo mushakabvu vogumisira vave kutomuona achiuya kwavari ari munhu apo anosvikotanga kuvayamwa mazamu avo ose.

Sekuru Bhaureni

“Handina rugare, izvozvi ndakabva kumusha kwaNenguwo svondo rakapera chipoko chemurume wangu chinongondiyamwa. Kuno kuHarare kwacho zvimwe chetezvo, chinouya chichindisveta.

“Hamheno kuti anondishugurudzirei murume uyu, inga wani ndakamuzvarira vana. Mazamu acho ave kugara achingojuja mukaka,” vanodaro Mai Bangure vachichema uye vachiratidza vatori venhau mazamu avo ayo aibuda mukaka.

Chipoko ichi vanoti chinongotsakatika.

Vanoti dzimwe nguva mazamu avo anomborwadza achibuda zvinenge mvura.

“Pamba pangu pane mipanda yedzimba shanu dzinogara maroja asi izvozvi vakapera kutiza nekuda kwezvinhu zvavanoti vanoona izvo zvinogudubudza midziyo yavo. Iniwo ndinoshaya midziyo yangu asi dzimba dzinenge dzakakiiwa.”

Mai Bangure vanoti vakangoshaya injini yemvura nejenareta zvavo mumba yainge yakakiiwa.

Madzibaba Prangadhai

“Ndava kugara ndoga nekuti vana vangu vane mabasa akanaka zvikuru, vakatiza pano zvekuti havadi kudzoka. Hama dzemurume nedzangu hapana achada kundiona.

“Nyaya inotaurwa yekuti murume wangu akauraiwa nengozi havadi kuibvume,” vanodaro.

Mai Bangure vanoti vamwe vanhu vanoti murume wavo ainge akaromba.

“Kubva kutanga kwegore rino mumba memurume wangu — kusanganisira naiye — mafa vanhu vatanhatu pasina kurwara kunooneka.”

Votaura nezvenyaya ino, VaPatrick Kapfunde kana kuti Sekuru Bhaureni (52) vekwaMadondo, kuMt Darwin, vanoti mudzimai uyu ari kuyamwiwa nezvidhoma kwete kuti chipoko chemurume wake.

“Zvidhoma nezvikwambo zvinouya zvakapfeka chiso chemurume akafa uyu kuitira kurasisa. Vavengi vari kutumira mudzimai uyu zvidhoma nezvikwambo,” vanodaro.

Kuchiti Madzibaba Prangadhai kana kuti Passmore Chinovava (33) vanotsinhira mashoko aya vachiti, “Amai ava vanoda kubatsirwa, izvi zvidhoma zvakaberekeswa mweya wemurume wavo akafa.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey