Ozvindikitwa nemurume waakaramba

02 Mar, 2023 - 00:03 0 Views
Ozvindikitwa nemurume waakaramba Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti ari kuoneswa pfumvu nekurohwa pamwe nekugara achitukirirwa zvinyadzi nemurume anove muvakidzani wake mushure mekunge amupfimba akamuramba.

Nyasha Chiromo achema-chema mudare reHarare Civil Court achiti Leo Makurumidze ave kumutadzisa kugara zvakanaka munharaunda pamusaka pekuti akamuramba.

“Pose pandasangana naye, anotanga kundituka nezvinonyadzisira kana kundirova. Ndave kutotya kuti ndofambira kupi nekuti akandityisidzira achiti achanditema negonhi kuti ndibva ndafa, ndiko kuti nyaya yacho ipere,” anodaro

Chiromo anoenderera mberi achiti: “Ndinokumbirawo dare kuti rindibatsire ndisunungukewo munharaunda yandinogara nekuti ndimo mandakaberekerwa, handingatamiswe nemumwe munhu pamusaka pekuti ndaramba kudanana naye.”

Makurumidze haana kuenda kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vapa Chiromo gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links