Uncategorized

Pabasa hapadi hope

14 Aug, 2020 - 00:08 0 Views
Pabasa hapadi hope

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena

VANHU vazhinji vanofara kwazvo kuwana basa repamusoro kana kukwidziridzwa pabasa. Iyi ndiyowo tarisiro yemubereki wose kuti mwana wake ave mukuru pakambani kana mudunhu.

Vamwe vanobva vaita mabiko makuru ekupemberera hukuru hwepabasa uhwu. Izvi zvakanaka chose hazvina kumboipa. Asi chakaipa ndichochi chekuti basa ravapo hongu, mhemberero takaita tikafarira kuwana basa kuti titungamirire, asi tave kungoritarisa basa riya pasina chiri kufamba.

Ari kufamba ndiwe chete mutungamiri. Wakangotuzurira basa pasina anoriita sekunonzi uri munhu uya ane zinzara anoti ndibikireyi sadza rakawanda, sadza riye robikwa, asi iwe woita rekungotuzurira chete usingaridye. Izvi hazvifadze mubiki wesadza nokuti anoti ndapedzereyi simba rangu, hupfu neusavi hwangu?

Ndizvo zvimwe chetezvo zvinoita vanhu kana muzvinabasa akurirwa nebasa raaida. Anoritarisa basa riya semunhu akurirwa nemukonde webasa.

Zvatinoona kuti munhu akurirwa nebasa rake ndiko kurituzurira achirega zvinhu zvichiita murambamhuru akatarisa pasina tarisiro yekugadzirisa zvinhu pamusha. Zvinhu zvose zvepamusha zvinoratidza kuparara, magonhi anorembera, mahwindo anenge opunzika, mvura yemuzvimbuzi ichierera nechivanze, kana pari pakambani vashandi vanoita zvadamoyo vachitevedzera muzvinabasa uyu anotuzurira basa, zvazobuda pabasa Mai Nhiya woye hazvienderane nemihoro.

CHENJEDZO:

Sekukura kweshungu dzedu patinokambira mabasa, zvakanakawo kuchisakura ndima dzedu zvishoma nezvishoma zvoratidza kumunhu wose kuti padiki pashandwa basa rabatwa zvakanaka. Ngatirege kutuzurira basa sechindumurwa chinoda zimukonde resadza rachisingapedze.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links