Kingstone Mapupu
PACHIKORO cheNyatsengwa Primary School chiri kwaMambo Matsiwo, kuMbire, mudunhu reGuruve, panonzi pari kuitika zvinoshamisa . . . panoita “zvekunaya” matombo anopisa ayo anongobva mumhepo achitema vanhu nezvivakwa.
Sezvinonzi izvi zvishoma, pachikoro ichi panongotanga moto unobaka woga uyo waparadza midziyo yakawanda mudzimba dzevadzidzisi.
Chikoro ichi chinowanikwa mumugwagwa unobva kuMahuwe uchienda kuChidodo kumuganhu wenyika ino neMozambique.
Temu yadarika, chikoro ichi chinonzi chakazovharwa mushure mekunge vadzidzisi vatiza mudzimba dzepo vachinogara mumatende avakapihwa nekanzuru yeMbire.
Vadzidzisi vepachikoro apa vanonzi vanotemwa nematombo anopisa ayo anongobva mumhepo uyewo migoti ichisimuka kubva painenge iri ichinotema mahwindo.
Sekunge izvi zvitete, pamusoro pemarata panotemwa nematombo ayo anopinda mudzimba uyewo moto uchingotanga woga mudzimba dzevadzidzisi uchipisa midziyo.
Zvinonziwo kunorira mheni zuva rakacheka nyika vanhu voshaya kuti inorira ichibva kupi kusina mvura inonaya kana hore. Nekuda kwedambudziko iri, vatungamiri venzvimbo iyi vari kuronga kuita bira pachikoro ichi nechimbi-chimbi.
Pachikoro apa pane vana vanodarika mazana matanhatu nevadzidzisi gumi nevapfumbamwe.
Pakashanyirwa chikoro ichi neKwayedza svondo rapera, pakawanikwa pasina kana mudzidzisi mumwe chete zvisinei kuti vana veGrade 7 vari kufanirwa kunge vari kuita zvidzidzo zvavo zvepazororo.
Kwayedza yakawana vatungamiri venzvimbo iyi vakaungana pachikoro apa vachitsvaga nzira dzekugadzirisa dambudziko iri.
Kanzura weWard 14 kuMbire, VaHondoinesu Derere (48), avo vanove zvekare mutevedzeri wasachigaro weMbire Rural District Council, vanoti dambudziko repachikoro ichi riri kukanganisa kudzidza kwevana uyewo nekutadzisa vadzidzisi kugara zvakanaka.
Kanzura Derere vaive vakaungana nemasabhuku enzvimbo iyi, vakuru vezvematongerwo enyika, svikiro redunhu iri Sekuru Chivhere VaShamiso Jambo (38) nevamwe.
“Chikoro cheNyatsengwa chiri muWard 14 mandinomirira ini. Chakavakwa mugore ra1987 ndokuzotanga kushanda muna2000. Dambudziko repachikoro ichi rakatanga pakati petemu yakapera apo vadzidzisi vechidzimai vashanu vaigara muimba imwe chete vainzwa pamusoro pedzimba pachipotserwa matombo, mamwe achipinda mudzimba kusvikirawo dzimba dzava kutsva nemoto unotanga woga,” vanodaro Kanzura Derere.
Vanoti sekanzuru, vakazokwanisa kugadzira dzimba nematende dzekuti vadzidzisi ava vafanogara kuchitorwa matanho ekuti masaramusi aya amiswe uyewo kuchivakwa imwe imba itsva.
Kanzura Derere vanoti migoti inosimuka yoga kubva mumigomo ichienda mudenga zvakatokonzera kupwanyika kwemamwe mahwindo padzimba dzevadzidzisi dzepachikoro apa.
VaWatson Mudzingwa (36), avo vanova sachigaro weSchool Development Committee (SDC) yepachikoro ichi, vanoti dambudziko iri vakarisvitsawo kuna Mambo Matsiwo.
“Vadzidzisi vaingonzwa pamusoro pemarata pachikandwa matombo, vachibuda panze asi vachishaya chavanoona. Dzimba dzakazotanga kubatira moto dzoga kukaparara midziyo yakawanda zvikuru mune imwe yedzimba idzi, kusanganisira magwaro ekuzvarwa nezvitupa zvedzidzo, mari newodhiropu mukati mazvo. Sekuwirirana kwakaita vakuru vemuno, pachikoro pano panofanirwa kuitwa bira rekuchenura,” vanodaro VaMudzingwa.
VaRamios Chiriwo (74), vanova sadunhu wenzvimbo iyi, vanoti muna2019, muwodhiropu memumwe mudzidzisi pachikoro ichi makamboonekwa shato yaiva yakazara imomo asi makakiiwa.
Shato iyi inonzi yakazotorwa ikaiswa musaga nesvikiro raivapo ikanorasirwa mudondo.
Paikurukurwa nyaya iyi, pachikoro apa paivawo naVaMisheck Katurura (48) vanova mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko mudunhu reMbire, mukuru wemasabhuku mudunhu iri, VaHandsome Mburuma (54) vanova Sabhuku Tandouya naSekuru Chivhere.
Mambo Matsiwo vaiva vakamirirwa naSadunhu Chiriwo.
Vamwewo vaiva pamusangano uyu ndiVaTavengwa Mutanga (41), mukuru wemasabhuku kuWard 14, naVaCryton Katsenga (40).
VaMudzingwa vanoti dambudziko iri rakakonzera kuti vadzidzisi vambotiza pachikoro vachinogara mumisha iri padyo kwesvondo rose.
“Tine vana veGrade 7 vatarisana nekunyora bvunzo vari kukanganiswa nemamiriro ezvinhu pachikoro pedu. Bira dai raitwa nekukasika iro ratinoda kuti riitwe musi weMugovera neSvondo vana vechikoro vasipo,” vanodaro VaMudzingwa. Vanotenda mumiriri weMbire mudare reNational Assembly, Cde David Butau, nekuvawanisa simende yekuvaka imwe imba pachikoro apa iyo yatopera.
“Pakatanga manenji aya, pachikoro apa pakambouya mamwe mapositori vakazvitadza vakati tiende kumhondoro zvikazoita kuti Mambo Matsiwo vazosarudza mhondoro yedu muno, Sekuru Chivhere, avo tiri kushanda navo,” vanodaro VaMudzingwa.
“Mugore ra2019, mumwe mudzidzisi akafenda aona kamunhu kapfupi-pfupi kaiva nehusvisvi hwendebvu uyewo paingoitika mhute pachikoro chete dzimwe nzvimbo dzisina.”
Sekuru Chivhere vanoti chikoro ichi chakavakwa panzvimbo inoyera nekudaro chaifanirwa kuvhurwa nekuitwa kwebira pachakapera kuvakwa.
“Nzvimbo iyi yakapihwa nemasvikiro kuti chikoro chivakwe asi chapera hachina kuzosumwa kumhondoro. Inzvimbo ine makuva zvakare padyo, zvose zvinodiwa kuti bira riitwe zvavapo zvinosanganisira zviyo, chibage, kudya kwevanhu nezvimwe zvakabva kuna Mambo Matsiwo naMP wedu Cde Butau. Bira tangomirira kupihwa zuva chete, pano pane muwuyu unoyera waiitirwa chivanhu,” vanodaro Sekuru Chivhere.