Pahushamwari hwedu: Castle iri tii, nyama ijahwi

13 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Pahushamwari hwedu: Castle iri tii, nyama ijahwi Zvimwe zvezvaiitika paCastle Lager National Braai Day makore adarika

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

KAMBANI huru mukugadzira zvinwiwa nedoro, yeDelta Corporation, yadzoka zvekare nemutambo weCastle Lager National Braai Day uyo unofarirwa nevazhinji panyaya dzekugocha nekunwira-nwira.

Mabiko aya ariko neMugovera uno kuOld Hararians Sports Club, muguta reHarare.

Achaitwa pasi pedingindira rinoti: “Doro Redu, Kugocha Kwedu, Pahushamwari Hwedu”.

Mukushi wemashoko kukambani iyi, Muzvare Patricia Murambinda, vanoti gadziriro dzose dzatoitwa zvekuti vangomirira kuti shamwari dzavo dzichisvika kuti vanwe vachigocha.

“Tinofara zvikuru nechirongwa ichi nekuti chinopa mukana wekuti tiungane tichifara nemakasitoma edu tichinzwa zvichemo zvavo. Munguva ino yekupisa, tinozvipa mukana wekupemberera tichicherechedza vanwi vezvinwiwa zvedu zvose, kunyanya doro remhando yeCastle. Nguva yekufara inodiwa muupenyu uye ndiyoyi,” vanodaro Muzvare Murambinda.

Vanoti vari kukoka vanhu kubva kumativi ose enyika kuti vauye nehuwandu hwavo kuCastle Lager National Braai Day.

“Kuchange kuine kudya kwepamuromo nekwenzeve sezvo mutambo uyu uchange uine mitakunanzva kubva kuvaimbi nemaDJ ane mukurumbira.

“Tichange tiine vaimbi vanosanganisira Winky D, Nutty O, Freeman naEnzo Ishall vachitsigirwa nemaDJ anoti DJ Naida, Etherton B, Made Her Believe, DJ Andile Brown naAbisha Palmer,” vanodaro.

Patricia Murambinda

Veruzhinji vanotanga kubatidza moto wavo wekugocha munguva dzemangwanani kusvika zuva ridoke.

Muzvare Murambinda vanoti pane matikiti everuzhinji neeshoroma (VIP) achange achitengeswa kuitira kuti munhu akwanise kupinda.

“Tikiti rimwe nerimwe rinenge riine pakiti yenyama yekugocha uye doro reCastle Larger Draught Beer.

“Matikiti ekupindisa munokwanisa kuatenga pamasaisai anoti www.clicknpay.africa kana kuti pagedhe neMugovera. Doro richange richitengeswa nemutengo wakaderera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links