Pakubaiwa majekiseni Zimbabwe iri pamberi

20 May, 2021 - 15:05 0 Views
Pakubaiwa majekiseni  Zimbabwe iri pamberi

Kwayedza

Rumbidzayi Zinyuke

ZIMBABWE ndiyo iri pamusoro penyika dzemudunhu reSADC panyaya yekutenga mushonga wemajekiseni ekudzivirira chirwere cheCovid-19 uye nekubaiwa kwevanhu nhomba iyi.

Nyika ino ine chinangwa chekubaya majekiseni ekudzivirira denda iri kuvanhu vanosvika 10 miriyoni kuitira kuti pave nekudziviririka (herd immunity).

Kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 605 556 vange vabaiwa majekiseni ekutanga (1st dose) ekudzivirira Covid-19 munyika muno apo 239 128 vange vabaiwa echipiri (2nd dose).

Zimbabwe yakaparura zviri pamutemo chirongwa chekubaiwa kwevanhu majekiseni eCovid-19 munaKukadzi gore rino uye yakave pakati penyika dzekutanga muAfrica kuve nechirongwa chemhando iyi.

Ongororo yakaitwa nesangano reAfrica Centres for Disease Control and Prevention (CDC), iro rine muzinda waro kuAddis Ababa, kuEthopia, inoratidza kuti Zimbabwe kusvika pari zvino yakatenga mishonga yemajekiseni enhomba yekudzivirira Covid-19 inokwanisa kubaiwa vanhu 900 000 anove majekiseni anodarika 1,7 miriyoni. Hapana imwe nyika iri mudunhu reSouthern Africa yati yatenga mishonga yakawanda zvakadai.

Vanhu vabaiwa majekiseni munyika muno kusvika pari zvino chikamu che3 percent chehuwandu hwevanhu vose vari muZimbabwe uye iri pamusoro pedzimwe zvakare panyaya iyi muSADC.

South Africa yakatenga majekiseni emushonga wekudzivirira Covid-19 anosvika 825 000 uye yakwanisa kubaya vanhu 478 733 chinova chikamu che1,39 chevanhu vose vari munyika iyi.

Mozambique yakatenga majekiseni 684 000 ndokubaya vanhu 355 995.

Angola yakatenga majekiseni 624 000, Malawi (462 000), Democratic Republic of Congo (451 000) uye Madagascar ikatengawo 250 000.

Mutungamiriri wenyika President Mnangagwa, avo vakatobaiwa kare majekiseni avo maviri ekudzivirira Covid-19, vanoti chirongwa ichi hachingochengetedzi utano hwevanhu vemuZimbabwe asi kuti chinosimudzira zvakare nyaya dzekushanyirwa kwenyika pamwe chete nebudiriro.

Kunze kwemajekiseni 1,2 miriyoni emushonga weSinovac vaccines ayo akatengwa neHurumende kubva kuChina, Zimbabwe yakapihwawo majekiseni 500 000 eSinopharm neHurumende yeChina, mamwe 100 000 eSinopharm zvakare kubva kumauto ekuChina ayo akapihwa Zimbabwe Defence Forces uye majekiseni 35 000 eCovaxin akabvawo kuIndia.

Basa guru rekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 riri kuitwa neHurumende rinorumbidzwa neWorld Health Organisation (WHO) nemamwe masangano epasi rose.

Share This:

Sponsored Links