Pamahwani sesipo yakanganwikwa mumvura

20 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURIRE SADZA

naIgnatius Mabasa

QUEEN Mpofu, pfambi yekwaMutare haina kumbofunga kuti gore rino ichabuda mumapepanhau — iye nenyoka yake. Iko zvino tave kuziva kuti kwaMutare kune pfambi inonzi Queen Mpofu ine shato.

Tave kuziva kuti pfambi hadzingoperera pakutengesa miviri chete, asi dzinoshandisa huroyi kudzimaidza nekubata pfungwa nemweya yevanhu, nekuti Queen anoti basa reshato yake nderekumuunzira varume. Asi shato iyi inenge yaita sei kuti varume ava vazoenda kuna Queen?

Achiedza kuti tirege kuona zvaari kuita sezvakaipa, Queen anoti anoshandisa shato nenecklace kuti zvimupe mari, uye “hapana munhu wazvakakuvadza.” Asika, kukuvadza hakusi kwekuburitsa ropa, uye kana uchishandisa nyoka nemasimba erima kuti uwane mari, usati, “hapana munhu wazvakakuvadza.”

Wakambotaura nayo nyoka iyoyo ikakuudza kuti, “Usatye zvako, ndinongoperera pakubata maziso avo kuti vakupe mari chete here?”

Kana ukashandisa huroyi kuti vanhu vakude — unenge wakuvadza mweya yavo. Unenge wavakuvadza ivo nemhuri dzavo nekuti uri kuvashandisira simba rerima kuvatorera mari yechingwa, school fees nembatya.

Queen haasi pfambi chete, asi muroyi uye vese vanodanana naye vanoita sungano nenyoka. Asi rega timbodzokera kuchaunga chakanga chichida kuona nyoka yaQueen.

Dai Jesu akasvika nepo oti makaunganirei, maiti kudii?

Ndinoziva kuti vamwe ndivo vaizomhanya voti, “Jesu, uyu mukadzi ngaabva angoenda kuGehena izvozvi nekuti mutadzi anotyisa uye akarema?” Pamwe Jesu aizonyora pasi zvakare sezvaakaita nguva iye paakaunzirwa mukadzi akabatwa achifeva.

Ini ndinofunga kuti Jesu aigona kuti, “Mese imi muri pano, asina nyoka ndiani? Asiri kutsvaga mari ndiani?”

Ichokwadi tiri kutsvaga mari, asi tiri kuitsvaga nenzira ipi? Kana Queen akapihwa imwe nyoka inorutsa mari, anoiramba here? Mari ine rima.

Kana Queen achiti nyoka inomubatsira kukecha varume, kana akecha varume oshinha navo, saka chii chingatiite kuti tirege kuti kana nyoka yadzimaidza varume kuti vade Queen, inogona kuvadzimaidza kuti vafunge kuti vari kushereketa naQueen asi ivo vachirara nenyoka? Nesuwo varume ngatifungisise kuti vakadzi vatinongoona tobva tanyungudika, vakadzi chaivo here kana kuti tiri kusekererwa nenyoka?

Varume, endai munodya sadza rekumba, musiyane nekuseveswa nemuto wenyoka. Dambudziko rekuita team nenyoka nderekuti nyoka inokunzvenga igokurasisa sezvakaitika kuna Queen. Kana rudo rwave nenyoka mukati, ruchiri rudo here kana kuti rwave rufu? Chete rudo rwepfambi rwagara rwusina makumbo senyoka.

Rudo rwepfambi rwunovhunura senyoka. Rudo rwepfambi rwakatonhora senyoka. Kana nerurimi rwepfambi rwune mhandi serurimi rwenyoka.

Maitiro enyoka ekuruma nechaisingadye anoitwawo nepfambi, uye huturu hwenyoka hurimowo mupfambi. Pfambi haifambe zvakatwasuka, asi inomonyoroka senyoka, inoverevedza, ine mwoyo wenyoka.

Nyoka hachisi chinhu chinofaririka kwatiri vanhu vatema. Nyoka haina hunyoro kana kuzvininipisa. Nyoka inogara musango, kwete mumba kana muhotera.

Ukaivhiringa, haina kufanana nezongororo rinogonya. Nyoka inosimudza musoro kuti irume. Nyoka chikara.
Inguva zhinji dzandinonzwa vanhu vachiti, “Zvinhu zvangu hazvisi kufamba. Handizive kuti chii chiri kunyatsoitika.” Cheuka uronde tsoka dzako kumashure kwawakafamba.

Kana wakambodarika nemubako raQueen, unogona kunge wakaitwa mumwe wevaranda vake.

Ndinovimba kuti murume wekutiza mumba maQueen, pamwe chete newewo uri kuverenga mabatsirwa uye mavhurika maziso emwoyo.

Bhaibheri rinoti “Pfambi igomba rakadzika.” Zvino ukawira mugomba rakadzika, wowana muine nyoka nerima, unenge uri pamahwani sesipo yakanganwikwa mumvura.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>