Pamari apa hamurevesi vana veZim!

06 Nov, 2015 - 00:11 0 Views

Kwayedza

CHINA manenji hachifambisi. Munozvida haikona vana veZimbabwe? Pamunozvitanga munoita kunge muri kutamba asi imi muchitorevesa.

Muri vanaChandagwinyira, mabata, hamukatanure kusvika patowana ati zvakwana. Zvimwe chetezvo nokuramba kwamunoita zvinhu. Mune chiramwa chisingaiti. Kana matoti hamusi kuda, ihapana-hapana. Hamudzokeri kumashure.

Ndinomboti dhu-u kufunga kuti makakatanwa mumisoro yose iyoyi anobva nokupi, ndozvishairwa pazvo. Uyewo mukada kungochepesa chinhu change chine mukurumbira, munozviita kabisira, rakacheka nyika. Kana iyo mari chaiyo yamunogara muchiti zvakasunga, unozozvifunga kuti zvinogosunga seiko, mari yokuSouth Africa – maRands – izere munyika, asi nhasi uno vanhu havachaida.

Kana iyo mari yokuAmerica yamuri kushandisa makangoichepesa zvokuti unonzwa vamwe vanhu vachishamisika kuti, “MaUS$ here atiri kushandisa kunge mazuda, kana maZim$?”

Regai ndidzokere kumari yokuSouth Africa yandionesa mashura. Musi uno ndakaona mumwe mudzimai apererwa nokuti akapinda muchitoro aine 10 Rand yakachinjika. Akafunga kuti ndezvamazuva ose okuti R10 inongonzi yakaenzana ne$1. Haana kuziva kuti zvakapfuura kare kare.

Mutengesi akati: “Ambuya, kana ari maRands hapana nyaya. Mari yamakabata iyoyo iyo yakarohwa ne’xenophobia’ kare kare. Hatina zve’high rate’ nokuti mukatipa angori maRands hapana kwatinoaendesa.

“Zvomotoita ndezvokuti motsvaga vaya vanochinja mari vokupai ma’Bond coins’, asi munenge mave kutoburitsa mamwe maRands akati wandei. ‘Next customer’!”

Unoona mukadzi mukuru achida kueredza misodzi. Akazvibvunza mibvunzo iri kubvunzana vazhinji mudzimba kuti rukonye rwapinda mumari yeSouth Africa rwakabvepi? Ko inga wani zvairi imwe yedzimwe mari dziri pamusoro-soro muungwanda-ngwanda hwemari yokunze hwakatanga kushandiswa muZimbabwe muna 2009. Saka chii chiri kuitika?

Vamwe mumakombi vanopedzisira vatakurwa pasina mubhadharo nokuti kunyange kumakombi vanoti vave kuda maBond coins, kana vave kutsvaga mari yakachinjika. Asi vemakombi ivava ndivo vaimboramba maBond coins vachiti haaite!

Vemisika kunotengeswa miriwo namadomasi zvimwe chetezvo. Musi uno zvakare pane munhu akasvika pamusika achida madomasi edhora, asi aive nemaRands. Akaedza kunyengetedza muridzi wemusika, asi iye akamira namadziro akati: “Ndiri kutonzwa kurira kwayo kuti haasi maBond coins, asi kuti maRands. Hapana kwandinoaendesa kunyange ndikaatora.”

Akati, “Munoshandisaka pamunohodha zvimwe,” mai vaye vakati, “Kana kuri kumusika ndopasina nyaya. Havachatombodi kuona chinonzi Rand.”

Akadzokera kumba asina madomasi, asi mari ainayo.

Vamwe vangafunga kuti maRands ari kurambwa pamisika kana mumakombi chete. Svondo rino, Mukwende akarambirwa maRands muchitoro chinonzi vamwe varidzi vacho ndivana muzvinabhizinesi vokuSouth Africa.

Ndakabvunza paya panobhadharwa kuti pamusana pei, zvikanzi, “Hatichatambiri maRands nokuti hatina watinozokwanisa kupa. Vanhu vari kuramba chenji yamaRands vachida maBond coins. Hazvisi pamutemo kuti timanikidze vanhu kutambira chinhu chavasingade, kunyange iri mari iri kushanda.”

Vamwe vanhu mari inotadza kukwana pazvitengwa, asi maRands vainawo muhomwe. Tapindwa neiko muZimbabwe kuti nhasi vaNyachide vave vaGuuriro? Vanhu vangatambe nhamo iyo mari iripo? Ruzivo rwemari namashandisirwo ayo rwunotipa maitiro akadai?

Hongu simba remari yokuSouth Africa riri kuramba richiderera, asika hazvisizvo zvingaite kuti vanhu vabva vati maRands hatiade.

Nhasi maBond coins ave kumhanyirirwa akamborambwa zvakare, bhanga guru renyika rikange rave kufunga kuti vakaita mhosho kungounza mari iyi yokuti vanhu vawane chenji, kwete zvihwitsi, vasina kunyatsodzidzisa veruzhinji, izvo kwete.

Ivo vakare vemakombi nemisika ndivo vakatanga kusema mari yenyika, asi ndivo zvakare vave kuida nokuramba maRands.

Haisi nyaya nje-e pane zvokutenga nokutengeserana, asi kudzidzisa vanhu mafambisirwo emari noupfumi zvinoita kuti vanhu vazive kukosha kwokuita bhizinesi nemari dzakasiyana-siyana, uyewo zvinoita kuti vanhu vatange kuve nehanya nokufambiswa kunoitwa mari pamisika yakafanana neZimbabwe Stock Exchange kana Johannesburg Stock Exchange.

Tinfanirwa kuzvibvunza kuti kuramba tichiita kunge rwaivhi panyaya yemari zvichazovei. Tinosvika kupi senyika, kunyanya tave kuramba mari yevavakidzani, asi vana vedu vachitambira iyoyo.

Kusvika Zimbabwe yadzokera kumari yayo sezvazvakange zviri muna 1980, vanhu vangarambe, asi vari kuramba mari isingagadzirwi munyika muno, uyewo vanoramba vasingazivi kuti matura eiripo yacho akamira sei.

Kana tikatarisa tsvina ine imwe mari unozongoti hapana zvokuiita, asi dai chiri chimwe chinhu, vazhinji madhora atinobata nokuisa muhomwe, hataimboabata.

Ndiyo mari ine tsvina inonzi navamwe itsvina inopa zvirwere.

Kuuya kwamaBond coins kwakaitirwa kuti vanhu vapihwe chenji pakutenga pane kupihwa zhihwitsi kana mabhisikitsi. Saka kana zvadai, zvoreva kuti Reserve Bank of Zimbabwe votoita kuti huwandu hwamaBond coins hupamhidzirwe nokuti hapana aitarisira kuti panobvumwa Bond coin, Rand rinobva rarambwawo.

Zvimwe zvitoro zvave kutanga zvakare kupa zvihwitsi zviye, inove tsika yakange yarambwa kuitira kuti vanhu vachengete mari, kunyange iri shoma.

Sokutaura kwakaitwa nemutengesi wechitoro chandapedzisira kudoma, vanhu havangamanikidzwi kupihwa zvavasingade, asika vana vari kunze, kunyanya muSouth Africa munove mune vazhinji vavo, ndizvo zvakatusva vanhu moyo vachiona mari yokunze iri nani kupinda yomuno.

Saka nhai imi vabereki, vana vari kutambira maRands kuSouth Africa vopinda zvakare mudambudziko rokutsvaga mari yokuAmerica?

Hamuoni kuti mavaomesera kunyanya mari yacho isingazobudi yakawanda sezvazvakange zviri makore apfuura?

Saka nyaya yokuchema mari iyi ngainyatsodurwa kuti vanhu vari kuda mari yokuAmerica, kwete yedzimwe nyika kunyanya yevavakidzani vakaita seSouth Africa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey