Pamatare eChitungwiza hapana mvura

23 Jul, 2020 - 00:07 0 Views
Pamatare eChitungwiza hapana mvura Zvimbuzi zvakavharwa padare reChitungwiza

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VASHANDI vepadare reChitungwiza Magistrate’s Courts pamwe nevanhu vanouya kuzotongwa mhosva dzavo vanoti vari panguva yakaoma zvichitevera kushaikwa kwemvura panzvimbo iyi izvo zvinogona kuisa upenyu hwavo panyatwa yechirwere cheCovid-19.

Kwayedza yakashanyira nzvimbo iyi svondo rino ikaona kuti zvimbuzi zvepo zvakatovharwa uye vanhu vaisatenderwa kupindamo sezvo zvisina mvura.

Vamwe vanhu vainge vakamiririra kupinda mudare vaitosarudza kuzvibatsira vakahwanda nemadziro emudhuri weDistrict Development Fund (DDF) uri pedyo nepanomiswa motokari nevanouya padare iri.

“Ini ndatobatsirwa nemotokari dzakapakwa apa saka ndangofuratira ndokuzvibatsira pamudhuri uyu nekuti zvakaoma kumira kwemaawa akawanda usina kwekuzvibatsira. Madzimai ndiwo ari panguva yakaoma nekuti hazvina kuvarerukira kuzvibatsirira pachena sezvatinoita isu varume.

“Hazvidi kuti dare redzimhosva rinosvikira vanhu vakasiyana rishaye zvimbuzi, zvikuru munguva ino yeCovid-19 nekuti maoko anenge achifanira kugezwa,” vanodaro VaMoses Muripo (40) vainge vakamirira kupinda mudare iri.

Vamwewo ndivo vaienda kunobhadhara mari yekuti vakwanise kupinda muzvimbuzi zvekanzuru zviri chinhabwe paMakoni Shopping Centre.

“Hameno kuti vari kuzvifambisa sei vanhu padare iri. Pafungei mazita edu anogona kudanwa isu taenda kumutsetse wechimbuzi uko tonzi tarovha kudare.

‘‘Ngavaite ‘serious’ mhani! Vanotoita sekunge vasingazivi kuti kune Covid-19,” anodaro mumwe mudzimai akazviti Mai Spiwe apo aifambisa akananga kuchimbuzi.

Vamwe vashandi vepadare iri, avo vakakumbira kuti vasadomwe nemazita avo, vanoti vanotanga basa kuma7 mangwanani vachipedza na5pm nekudaro vari panguva yakaoma.

“Hapana yekutamba, kutobva tazvisota kudzimba nekuti kutaura chokwadi sezvawaona pano hapana zvimbuzi. Zviri kunzi chimborani chakafa pombi dzinodhonza mvura ukuwo mvura yekanzuru hatina. Handione hangu zvichiita kuti tishande panzvimbo yakadai asi semushandi, hapana zvekuzviita. Tiri panyatwa munguva ino yeCovid-19, apa tichibata madhoketi ayo anobatwawo nevanhu vakawanda,” anodaro.

Dr Tonderai Kasu, avo vafanobata chigaro chemunyori mukuru wekanzuru yeChitungwiza, svondo rapera vakavimbisa kuti vachatuma mainjiniya (engineer) avo kunoona mamiriro ezvinhu padare iri.

“Tiri kutarisira kuti vachange vava nemvura nemusi weMugovera (wadarika) nekuti takatumira mainjiniya edu kuti vanoona kuti tingabatsirane sei,” vanodaro.

Zvisinei, nemusi weMuvhuro uno, Kwayedza yakashanyira dare iri ikaona dambudziko remvura richiripo uye zvimbuzi zvichakavharwa.

Mukushi wemashoko kuJudicial Service Commission (JSC), Rumbidzai Takawira anoti haasati awaniswa mhinduro nevakuru vake pamusoro penyaya iyi.

“Ndine hurombo, handisati ndawaniswa mhinduro nevakuru asi kana vakangopindura mibvunzo yako ndinokutumira. Iko zvino ndiri kure kuTsholotsho uye masaisai enhare ari kunetsa kubata zvakanaka,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links