Pamire maWarriors kuEurope

23 May, 2024 - 14:05 0 Views
Pamire maWarriors kuEurope Marvelous Nakamba

Kwayedza

Abel Ndooka

MWAKA wenhabvu wa2023/24 wekuEurope wakapera kunyika dzinosanganisira England, France neSpain uko kunotambira vatambi vakawanda vemaWarriors.

Kupera kwakaita mwaka uyu kwakaona vamwe vevatambi ava vachifara zvikwata zvavo zvaramba zvichitambira mumaligi makuru asi vamwe vaisvimha misodzi zvichitevera kuburitswa kwakaita zvikwata zvavo mumaligi anosanganisira England Premier League.

Marvelous Nakamba:

Chikwata chakaputeni wemaWarriors uyu – Luton Town – chakangopinda nekuburitswa muEPL chatamba mwaka mumwechete sezvo chakakundikana kuwana zvibodzwa zvekuti chirambe chichitambira nhabvu muEPL mwaka unotevera.

Mumwaka uchangobva kupera, Nakamba akangokwanisa kutamba mitambo 13 chete kuLuton Town sezvo akakuvara gumbo rake gore radarika munaZvita apo ainge achitambira maWarriors izvo zvakazomuona achipedza mwaka wese asingatambe.

Apo chikwata chaRob Edwards chadzokera muEnglish EFL Championship, zvichada kuonekwa kuti chicharamba chichivimba naNakamba here panguva iyo ari kushanda kudzoka kubva mukukuvara kwaainge aita.

Brendan Galloway:

Galloway, uyo anotambira Plymouth Argyle muEFL Championship, akabatsira chikwata chake kuti chirambe chiri muEFL asi chakapona nepaburi retsono sezvo chingadai chakaburitswa muChampionship chakadzokera kuEnglish League One.

Brendan Galloway

Mwaka uchangodarika, Galloway akatanga akakuvara ndokuzoita achipinda muchikwata ichi zvishoma nezvishoma kusvika azodzoka zvachose ave kutotanga mitambo yePlymouth.

Akazokwanisa kutamba mitambo 26 mumwaka wese uye zvinorakidza kuti mutambi uyu ari muhurongwa hwechikwata ichi mune remangwana.

Marshall Munetsi:

Mwaka uchangodarika wekuFrance – Mashall Munetsi – akaratidza zvekare kukosha kwake kuchikwata cheStade de Reims sezvo ari mumwe wevatambi vakanwisa kakawanda.

Marshall Munetsi

Aive top goalscorer kuReims ndiOumar Diakite uyo akapedza ane zvibodzwa zvishanu zvaakanwisa uye aiteverwa naMunetsi, Mohamed Daramy naKeito Nakamura avo vese vakanwisa kana (4) mumitambo yemuLigue 1.

Munetsi akakwanisa kutamba mitambo 27 yeReims kubva pa34 sezvo akambopedza imwe nguva akakuvara.

Tino Kadewere:

Remangwana raTino Kadewere harina kujeka sezvo mutambi uyu ave kudzokera kuOlympique Lyon uko asiri kunyatsodiwa nechikwata ichi.

Mwaka uchangodarika, Kadewere akatumirwa kuNantes nechikwereti uko akakwanisa kutamba mitambo 14 ndokunwisa kamwechete mumitambo yeFrench Ligue 1.

Tino Kadewere

Achidzokera kuLyon, mutambi uyu asarirwa negore rimwechete pakondirakiti yake uye paive paitwa hurukuro pakati peLyon neNantes kuti kana akatamba zvinonwisa mvura aigona kuzotorwa zvachose neNantes asi anenge aisina kutamba zvinodakadza.

Paakaenda kuNantes, chibvumirano chakawiriranwa nezvikwata zviviri izvi chaive chekuti Nantes ine mukana wekutenga mutambi uyu zvachose panopera mwaka wa2023/24 asi hazvisati zvazivikanwa kuti ichandisa mukana uyu here kuti itenge Kadewere.

Teenage Hadebe:

Hadebe akadzokera kunotambira nhabvu yake kuTurkey kuchikwata cheKonyaspor mwaka uchangodarika zvichitevera kupera kwakaita kondirakiti yake kuHouston Dynamo yekuUnited States of America.

Teenage Hadebe

Mutambi wemaWarriors uyu akabatsira zvakanyanya chikwata ichi kuti chirambe chiri muTurkey Super Lig sezvo paakaenda chaitatarika ndokukwanisa kutamba mitambo 10.

Achisvika kuKonyspor, Hadebe akapihwa kondirakiti yaisvika panopera mwaka wenhabvu wa2023/24 saka tairisiro yavepo ndeyekuti achapihwa imwe kondirakiti here yekuti arambe achitambira chikwata ichi mwaka unotevera.

Mwaka wekuTurkey uri kupera svondo rino musi weSvondo uye chikwata chaHadebe chichasangana neGalatasary kunhandare yeKonya Metropolitan Municipality Stadium, kuKonya.

Jordan Zemura:

Mwaka wekuItaly uri kupera svondo rino zvekare musi weSvondo uye chikwata chaJordan Zemura chine zvakawanda zvekutambira kuti chisaburitswe muItaly Serie A.

Jordan Zemura

Kusvika parizvino, Udinese yakagara pechi17 ine zvibodzwa 34 uye iri kufanirwa kukunda Frosinane yairi kutamba nayo svondo rino kuti isaburitswe muSerie A.

Serie A yakatarisana nezuva rekupedzisira remwaka wa2023/24 paine zvikwata zvitatu zvinogona kubuda muligi iri zvinoti Frosinane, Udinese kana Empoli iyo iri kufemera mugotsi meUdinese.
Empoli ikahwina mutambo wayo wekupedzisira apo iri kusangana neAS Roma ukuwo Udinese ichikundwa neFrosinane, zvoreva kuti Udinese ndiyo inoburitswa muSerie A.

Udinese ikahwina mutambo wayo inoramba iri muSerie A mwaka unotevera uye zvimwe zvinenge zvasarira kuFrosinane neEmpoli.

Chikuru ndechekuti Udinese inofanirwa kuhwina mutambo wayo.

Zvisinei mumwaka wake wekutanga kuUdinese, Zemura akatamba mitambo 26 uye ndokunwisa kamwechete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey