Uncategorized

Pamire Zim muSadc

21 Nov, 2020 - 00:11 0 Views
Pamire Zim muSadc

Kwayedza

Tandayi Motsi
ZIMBABWE, panyika dziri mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc), iri pechishanu panyaya yevanhu vakawanda vane hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19 kunyangwe zvazvo pahuwandu hwevafa iri pechitatu.

Nyika ine vanhu vakawanda vane Covid-19 muSadc iSouth Africa iyo ine 757 144 ne20 556 vafa ichiteverwa neZambia ine varwere 17 350 nendufu 356.

Mozambique iri pechitatu pavanhu vabatwa nedenda iri (14 629) ne118 vafa.

Zimbabwe kusvika nemusi weChina yange yava nevanhu 9 046 vakawanikwa vaine Covid-19 mushure mekunge vavhenekwa.

Pavarwere ava, 8 195 vakatopona asi vamwe 265 vakafa.

Zimbabwe inotevera Botswana iyo ine vanhu 9 103 vane denda iri asi iine 30 vafa.

MuZimbabwe, vanhu vakawanda vane Covid-19 vari muHarare neBulawayo.

Dunhu reHarare rine vanhu 3 340 vawanikwa vaine chirwere ichi ne121 vafa apo Bulawayo ine 1 889 vane denda iri ne72 vafa.

Munyika muno huwandu hwevanhu vari kubatwa neCovid-19 huri kuramba huchikirwa uye chirwere ichi chava kupararira zvakare, kusanganisira nemuzvikoro.

Svondo rino, vana vanosvika 115 vepachikoro cheJohn Tallach High School chiri kuMatabeleland North vakawanikwa vaine chirwere ichi. Kusvika nezuro, zvanga zvisati zvaziviswa kuti paPrince Edward High School iri muHarare pane vana vangani vakabata neCovid-19.

Chikoro cheJohn Tallach High School chakatovharwa zvichitevera kunyika kwechirwere ichi ipapo.

Hurumende iri kuramba ichikurudzira veruzhinji kuti vatedzere zvizere matanho ose akatarwa nedonzvo rekurwisa Covid-19.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey