Kwayedza

Pamwe igomarara: Dr Moyo

Dr Moyo

Munyori weKwayedza
MUKURU wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obadiah Moyo, vari kukurudzira murume wekuChitungwiza — uyo asisina sikarudzi yake iyo yaanoti yapera nekunanzvwa nenyoka nezvidhoma – kuti arambe achitsvaga rubatsiro kuchipatara sezvo achigona kuzobatsirwa.

Vanoti dambudziko rake rinokwanisa kupera ndokunge akasawora moyo, oramba achitsvaga rubatsiro kumachiremba.
“Hazvina mhosva kuti akamboenda kuzvipatara zvakasiyana akaonekwa namachiremba, ngaarambe achidzokera kusvikira chirwere chake chichaonekwa bedzi. Dzimwe nguva igomarara raiva richakahwanda panguva yaaida kubatsirwa,” vanodaro.
Asi Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muHarare, vanoti kune mhando dzezvipotswa zvinokonzera matambudziko akadai zvekuti chirwere hachimbofa chakaonekwa nemachiremba echiRungu.

“Murume uyu ngaamboedza kwese, kuchivanhu nekuchipatara, anobatsirwa,” vanodaro Sekuru Mutanga