‘Pane mvura pane upenyu’

23 Feb, 2023 - 15:02 0 Views
‘Pane mvura pane upenyu’ President Mnangagwa vaina Dr Qu Dongyu Director General weFAO

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ZIMBABWE iri kubudirira mukurwisa nzara nekutevedzera nzira dzinoibatsira mukusanduka kwemamiriro ekunze nekuvakwa kwemadhamu uye kusimudzirwa kwemidziyo yemadiridziro zvinoita kuti nyika ikwanise kuzadzikisa zvinangwa zvayo zveVision 2030 nezvemaSustainable Development Goal Number 6.

Izvi zvakataurwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa mumashoko avo avakaverengerwa negurukota rezveminda, kurima, mvura, hove nekusimudzirwa kwemaruwa – Dr Anxious Masuka – pakuparurwa kwemusangano weFood and Agriculture Organization (FAO) nemusi weChitatu svondo rino muguta reHarare.

Musangano uyu wakatanga nemusi weMuvhuro uye uri kupindwa nevamiriri vedzimwe nyika.

President Mnangagwa vanoti kuwanikwa kwemvura kwakakosha muburidiro yenyika.

“Kuburikidza nezvirongwa zvePresidential Rural Development Programme, Hurumende iri kuona kuti dunhu rimwe nerimwe kumaruwa rawaniswa zvibhorani uye zvirongwa zvekupfuya hove kuitira kuti kurima kutorwe sebhizimusi. Mvura yakakosha mumapazi ese anosanganisira kurima, zvicherwa, utano nezvimwe nokudaro inofanira kuchengetedzwa. Zviwanikwa zvese zvinosanganisira masango, miti, mhuka netwumbuyu zvinopona nekuda kwekuvapo kwemvura.

Nyika inovakwa nevene vayo nokudaro zvese zvichabuda mumusangano uno zvichabatsira kuti tive nehurongwa hwakanaka hwekuona kuti veruzhinji vawana mvura yakakwana, yakachena uye iri padyo navo sezviri mubumbiro redu remutemo,” vanodaro.

Musangano weWater Conference muHarare

President Mnangagwa vanoti vanofara zvakanyanya nekushanda nemasangano akadai seFAO mukugadzirira musangano mukuru weUnited Nations Water Conference uyo uchaitirwa kuNew York mumwedzi waKurume gore rino.

“Tine nguva yekugadzirira musangano uyu unova wakakosha tichitarisa nyaya dzekutsigirwa kwezvirongwa zvine chekuita nekuwaniswa kwemvura muAfrica nekusimudzirwa kwekugadzirwa kwemagetsi uye kuchengetedzwa kwemvura. Tinotenda sangano reFAO nerutsigiro rwariri kupa Zimbabwe mukusandura nyaya dzekurima zvinoita kuti tikwanise kurwisa nzara nehurombo,” vanodaro.

Dr Ou Dongyu vanova director wesangano reFAO vakashanyira President Mnangagwa kuState House svondo rino vakakurukura maringe nezvekukosha kwekuvandudza nzvimbo dzinowanisa veruzhinji mvura kuitira kuti varime zvine pundutso.

Dzimwe nyika dzaivepo

“Pandasangana nemutungamiriri wenyika, takurukura zvakawanda zviri maringe nekuchengetedzwa kwechikafu munyika, zvikuru sei takatarisana nenyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze. Takurukura nezvekukosha kwemadiridziro nekutsigirwa kunofanira kuitwa vagari vekumaruwa nevemumaguta kuti vave nechikafu chakakwana uye chinovaka muviri,” vanodaro.

Mumiriri weUnited Nations muZimbabwe – VaEdward Kallon – vanoti mvura inofanira kuchengetdzwa kuti nyika izadzikise zvinangwa zvayo zvebudiriro.

Share This:

Sponsored Links