Pane vanhu hapashaye mutauro

22 Nov, 2019 - 00:11 0 Views

Kwayedza

BEMBERA PADARE

naWedzerai Nhemachema

PANOGARA vanhu vakawanda munharaunda, nemitauro inowandawo. Asi munhu akaziva mutsauko wechanaka nechakaipa, kugarisana zvakanaka ipfuma huru muhupenyu hwevanhu.

Kuti vanhu vagarisane zvakanaka, panoda dzidziso yakawanda.

Dzidziso iyi inoda kuti iwanikwe nemunhu wose munharaunda.

Kana dzidziso iyi yatekeshera, zvinoreva kuti pfuma yenharaunda yawandawo.

Ndinoda kuti nditsimbidzire kuti pfuma haisiri mari, zvinhu kana zvipfuyo chete, asi kugarisana zvakanaka munharaunda, pakambani kana munyika.

bembera

Regai nditange nekutsanangura zvinoreva bembera. Bembera zvinoreva kurova imbwa wakaviga mupinyi.

Imbwa ikadya mazai inoda kudzidziswa kuti hazviitwe. Vamwe vanoidyisa zai rakafashaidzwa roiswa mukanwa mayo yakapfumbatwa.

Huku ikadya mazai inopiswa muromo, mwana akatadza, anoda kudzorwa asati aenderera.

Munhu mukuru anoda kudzorwa asati aenderera mberi kufonyora pfungwa dzevadiki, nokuti tinoziva tose kuti mbudzi kudya mufenje hufana nyina.

Izvi zvinoreva kuti dzidziso zhinji kuvaduku vedu dzinobva kuvakuru.

Mungava mumusha chaimo, vana vanoteerera vabereki vavo kunyanya.

Izvi zvinoreva kuti kana mukuru akaratidza hunhu husina kutwasanuka, vana vanotora hunhu ihwohwo nokuti vanoremekedza vakuru vavo mumba muna zvose – zvakaipa nezvakanaka.

Pane nzira zhinji dzekurova bembera muhupenyu hwevaShona muZimbabwe.

Nzira idzo dzinosanganisira, nziyo, mazita, mazitadunhurirwa, chibhende, nemifananidzo (cartoons).

Chikuru chingade kuti chizivikanwe ndechekuti bembera rine shuviro yekuti musha, vanhu, kambani kana nyika zvive nemazita akanaka. Zita rakanaka ipfuma huru-huru.

Zvimwe zvichabuda pachikuva chino zvinosanganisira ngozi inokonzerwa nezita rinenge ranyanyoipa.

Nekudaro, bembera rinobatsira kutandanisa ngozi mumusha, mukambani, kana munyika.

Chikuru ndechekuti munhu wese agone kuona kuti ndiye ari kutsiurwa, agowanawo matwasanudziro ehunhu hwake hunenge hwakombama.

Chikuva chino, Bembera Padare, chichativhura pfungwa tione kuti hunhu hune ngozi hunouya pamunhu sei, uye zvikuru kuti hungadzorwe sei kuti munhu, musha kana nyika ive nezita rakanaka.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; neBA English & Communication Studies). Nhare: 0772 428 809; Email: [email protected] <mail               [email protected]>

 

Share This:

Sponsored Links