Panozvarwa voumambo, pane mutsindo

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

RUKUVHUTE harwusati rwadonha. Pari pachivanhu chedu anenge asati ave kuonekwa nomunhu wese wese.

Kana muchipatara chaimo dai akaita pamwe mazuva maviri, machiremba navakoti vachida kugutsikana kuti kana aendwa naye kumba haazononetsi vabereki vake here.

Vanhu maingozonzwa rave shoko kuti kwave nemucheche, chisikana, asi netsika namagariro edu muZimbabwe, igaroziva kuti hamugoni kunopururudza mwana asati abuda mumba, zvichireva kuti mwana asati ave kungoonekwa nani zvake, kunze kwehama dzepedyo-pedyo.

Kune vane zvierwa-erwa, vanotya kuti pamazuva mashoma iwaya, mwana anogona kuonekwa kana kubatwa nevanhu vakatakura tunhu twavo, mozosara mave kuti mwana aonei, ivo varova pasi.

Asi, nokuda kwemichina inofambisa mashoko nemifananidzo, takaona kusiyana kwedu nevamwe vedzimwe nyika, uyewo takaona kuti kana uri mwana woumambo, vakuru navadiki vanotokumirira kuuya kwako, vagokufarira, vachinyorera tsamba paTwitter, tsamba dzausingagoni kuverenga.

Amai vake nababa zvose vakashuvirwa rombo rakanaka pakangotaurwa kuti pamuviri paamai vake muroora waPrince Charles namushakabvu Muzvare Diana – Kate Middleton parwadza zvokuti ave kuda kusununguka.

Tada kuzvitarisa nokuti zvataona kubva musi woMugovera, zvinoratidzawo raramo yavamwe vanhu.

Kufarirwa kwakaitwa mucheche uyu nenhoroondo dzinozopihwa zvakaratidza kuti ruripo rupawo rwamaBritish rwavasingade kufa vakakanganwa — nhoroondo youmambo hwavo, nokuti kacheche ikaka kakazvarwa musi weMugovera kave kutotonga. Sarudzo dzokuBritain dzomusi wa7 May dziri kukwikwidzana norusvava irworwu.

Mwanasikana akazvarwa uyu mwana wechipiri waPrince William (His Royal Highness Duke of Cambridge) naCatherine Elizabeth Middleton (Her Royal Highness Duchess of Cambridge). Dangwe ravo ndiPrince George of Cambridge.

Muzvare akaberekwa musi woMugovera 2 May akapihwa mazita anoti: Charlotte Elizabeth Diana. Ese mazita anobva mumhuri (sekuru Charles; ambuya naamai Elizabeth; naambuya zvakare – Diana).

Asi, ave kudaidzwa pamurawo sezviri pagwaro rake rokuzvarwa rakatorwa musi weMuvhuro, irworwu rusvava rwatove kudaidzwa kuti: Her Royal Highness Princess of Cambridge.

Mambokadzi Elizabeth Vechipiri vakandona mwana musi weChipiri, asi zvose izvi vakaita vaudzwa mazita akange apihwa mwana, zvichireva kuti mumazita umu mune chirevo.

Kuratidza chiremera chokuti kwave nomumwezve wembahuru, chikwata chemauto chinonzi The King’s Troop Royal Horse Artillery vakagamuchira mucheche ne”41-round gun salute”.

Tazivira “21 gun salute” zvichiitirwa magamba enyika.

Hezvinoi, mucheche akapihwa “41 gun salute”.

Pazvarwa mwana pose pane mufaro. Kunyanya vakava vohumambo, vakabva varatidza kukosha kwazvo.

Vazhinji vanofundawo kuti kana mwana azvarwa haapfimbikwi kunge mbambaira, asi kuti apa nepapa anoonekwa noruzhinji kuti vanhu vafarewo nemi.

Zvinonyanyodaro nokuti vedzimba dzoumambo vanorarama nemari dzomutero wavanhu, saka vanhu vanenge vachiti kutitonga mungatonge zvenyu, asi muri vedu.

Maitirwo azvakaitwa ndeokudzidzisawo kuti kana voumambo vasingatye kuroiwa, zvirwere, vachiyanika vana vavo pachena, ko isu vana Tarubva tinotyei? Vamwe vana vanovanzwa kana hama dzauya nechido dzasvika.

Rudo norufaro rwakapihwa mwana uyu ngazvirambe zvakadaro.

Asika, handiye bedzi akazvarwa musi iwoyo. Vakatozvarwa vamwe vakawanda mushure make.

Muno muZimbabwe vazere vakazvarwa musi wa2 May. Vamwe vanoda rubatsiro mune zvakasiyana-siyana. Ngatitambanudzei mawoko tivaitewo machinda nana muzvare vedu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey